Ndakazoona chimwe chiratidzo mudenga chikuru chinoshamisa chavatumwa vanomwe vaine pfumvu nomwe dzokupedzesera dzaiva nzira dzaMwari dzokupedzisira dzokuratidza nadzo hasha dzake. Ndakazoona chainge gungwa regirazi rakatsvuka moto navavo vakakurira chikara nechifananidzo chacho nenhamba yezita racho vakamira pedyo negungwa riya regirazi vaine madimbwa aMwari mumaoko. Vakanga vachiimba rumbo rwaMosesi muranda waMwari norumbo rweHwayana vachiti, “Tenzi Mwari Samasimbaose mabasa enyu makuru, anoshamisa, nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi. Imi Mambo wapasi chigare. Ndiani angarege kukutyai nokurumbidza zita renyu Tenzi nokuti imi ndimi munoera marudzi ose achauya ozokugwadamirai achikunamatai nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaoneswa.” Mushure maizvozvi ndakatarisa onei Temberi yeTendhe reChitenderano chokudenga yakazuruka. MuTemberi makabuda vatumwa vanomwe vaya vaine pfumvu nomwe; vakanga vakapfeka hanzu dzerineni yakanakisisa inopenya. Pachipfuwa chavo vakanga vakasunga tambo dzendarama. Chimwe chezvisikwa zvina zvipenyu zviya chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama dzizere nehasha dzaMwari anogara narini narini. Temberi yakazara noutsi huchibva mukupenya kokuvapo kwaMwari nokusimba rake. Hapana aikwanisa kupinda muTemberi kusvikira pfumvu nomwe dzavatumwa vanomwe vaya dzapera.
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 15:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo