Zvakazarurwa 15:1-8
Zvakazarurwa 15:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera. Uye ndakaona chairatidzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti: “Mabasa enyu makuru uye anoshamisa, Ishe Mwari Wamasimba Ose. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo wamakore. Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe, kana kukudza zita renyu? Nokuti ndimi moga mutsvene. Ndudzi dzose dzichauya dzigonamata pamberi penyu, nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.” Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka. Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanhire egoridhe pazvipfuva zvavo. Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri. Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.
Zvakazarurwa 15:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru chinoshamisa, ichi. Vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe okupedzisira, nokuti kutsamwa kwaMwari kwakapera nawo. Ndikaona chakaita segungwa rinoonekera rakavhenganiswa nomoto, naivo vakauya vakunda chikara nomufananidzo wacho, nechiverengo chezita racho, vamire pamusoro pegungwa rinoonekera, vanohudimbwa hwaMwari. Vakanga vachiimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwayana, vachiti, “Ishe, Mwari waMasimbaose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi. “Ndianiko angarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achauya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.” Shure kwaizvozvo ndakaona temberi yetabhenakeri yohuchapupu yokudenga yakazarurwa; mutemberi mukabuda vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe, vakafuka mucheka wakachena unopenya, vakasungwa pazvipfuva zvavo namabhanire endarama. Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama, dzizere nokutsamwa kwaMwari, iye mupenyu nokusingaperi-peri. Temberi ikazara nohutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu akagona kupinda patemberi, kusvikira madambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.
Zvakazarurwa 15:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakazoona chimwe chiratidzo mudenga chikuru chinoshamisa chavatumwa vanomwe vaine pfumvu nomwe dzokupedzesera dzaiva nzira dzaMwari dzokupedzisira dzokuratidza nadzo hasha dzake. Ndakazoona chainge gungwa regirazi rakatsvuka moto navavo vakakurira chikara nechifananidzo chacho nenhamba yezita racho vakamira pedyo negungwa riya regirazi vaine madimbwa aMwari mumaoko. Vakanga vachiimba rumbo rwaMosesi muranda waMwari norumbo rweHwayana vachiti, “Tenzi Mwari Samasimbaose mabasa enyu makuru, anoshamisa, nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi. Imi Mambo wapasi chigare. Ndiani angarege kukutyai nokurumbidza zita renyu Tenzi nokuti imi ndimi munoera marudzi ose achauya ozokugwadamirai achikunamatai nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaoneswa.” Mushure maizvozvi ndakatarisa onei Temberi yeTendhe reChitenderano chokudenga yakazuruka. MuTemberi makabuda vatumwa vanomwe vaya vaine pfumvu nomwe; vakanga vakapfeka hanzu dzerineni yakanakisisa inopenya. Pachipfuwa chavo vakanga vakasunga tambo dzendarama. Chimwe chezvisikwa zvina zvipenyu zviya chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama dzizere nehasha dzaMwari anogara narini narini. Temberi yakazara noutsi huchibva mukupenya kokuvapo kwaMwari nokusimba rake. Hapana aikwanisa kupinda muTemberi kusvikira pfumvu nomwe dzavatumwa vanomwe vaya dzapera.
Zvakazarurwa 15:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakaʋona cimŋe ciratidzo kuɗeŋga, cikuru cinoshamisa, ici: Ʋatumŋa ʋanomŋe ʋanamaɗambudziko manomŋe okupedzisira, nokuti kutsamŋa kwaMŋari kwakapera nawo. Ndikaʋona cakaita seguŋgwa rinoʋonekera rakaveŋganiswa nomŋoto, naiʋo ʋakaʋuya ʋakunda cikara nomufananidzo waco, neciʋereŋgo cezita raco, ʋamire pamsoro peguŋgwa rinoʋonekera, ʋanoʋuɗimbga bgaMŋari. Ʋakaŋga ʋaciimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMŋari, norwiyo rweGwaiana, ʋaciti: Ishe, Mŋari wamasimba ose, maɓasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzaɀokwaɗi. Ndianiko uŋgarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutȿene; nokuti marudzi ose acaʋuya, acinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa. Shure kwaiɀoɀo ndakaʋona tembere yetabernakeri yoʋucapupu yokuɗeŋga yakazarurwa; mutembere mukaɓuɗa ʋatumŋa ʋanomŋe ʋanamaɗambudziko manomŋe, ʋakafuka muceka wakacena unopenya, ʋakasuŋgwa paɀifuʋa ɀaʋo namabanhire endarama. Ipapo cimŋe ceɀisikwa ɀipenyu ɀinna cakapa ʋatumŋa ʋanomŋe ndiro nomŋe dzendarama, dzizere nokutsamŋa kwaMŋari, iye mupenyu nokusiŋgaperi‐peri. Tembere ikazara noʋutsi bgunobva pakubginya kwaMŋari napasimba rake; kukasaʋa nomunhu wakagona kupinda patembere, kuȿikira maɗambudziko manomŋe aʋatumŋa ʋanomŋe apera.
Zvakazarurwa 15:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)