Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀakazarurwa 15

15
Ʋatumŋa ʋanomŋe ʋanendiro nomŋe.
1Ɀino ndakaʋona cimŋe ciratidzo kuɗeŋga, cikuru cinoshamisa, ici: Ʋatumŋa ʋanomŋe ʋanamaɗambudziko manomŋe okupedzisira, nokuti kutsamŋa kwaMŋari kwakapera nawo.
2Ndikaʋona cakaita seguŋgwa rinoʋonekera rakaveŋganiswa nomŋoto, naiʋo ʋakaʋuya ʋakunda cikara nomufananidzo waco, neciʋereŋgo cezita raco, ʋamire pamsoro peguŋgwa rinoʋonekera, ʋanoʋuɗimbga bgaMŋari. 3Ʋakaŋga ʋaciimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMŋari, norwiyo rweGwaiana, ʋaciti: Ishe, Mŋari wamasimba ose, maɓasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzaɀokwaɗi. 4Ndianiko uŋgarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutȿene; nokuti marudzi ose acaʋuya, acinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.
5Shure kwaiɀoɀo ndakaʋona tembere yetabernakeri yoʋucapupu yokuɗeŋga yakazarurwa; 6mutembere mukaɓuɗa ʋatumŋa ʋanomŋe ʋanamaɗambudziko manomŋe, ʋakafuka muceka wakacena unopenya, ʋakasuŋgwa paɀifuʋa ɀaʋo namabanhire endarama. 7Ipapo cimŋe ceɀisikwa ɀipenyu ɀinna cakapa ʋatumŋa ʋanomŋe ndiro nomŋe dzendarama, dzizere nokutsamŋa kwaMŋari, iye mupenyu nokusiŋgaperi‐peri. 8Tembere ikazara noʋutsi bgunobva pakubginya kwaMŋari napasimba rake; kukasaʋa nomunhu wakagona kupinda patembere, kuȿikira maɗambudziko manomŋe aʋatumŋa ʋanomŋe apera.

Zvasarudzwa nguva ino

Ɀakazarurwa 15: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda