Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 15

15
Vatumwa vane nhamo dzokupedzisira
1Ndakazoona chimwe chiratidzo mudenga
chikuru chinoshamisa chavatumwa vanomwe
vaine pfumvu nomwe dzokupedzesera
dzaiva nzira dzaMwari dzokupedzisira
dzokuratidza nadzo hasha dzake.
2Ndakazoona chainge gungwa regirazi
rakatsvuka moto
navavo vakakurira chikara
nechifananidzo chacho nenhamba yezita racho
vakamira pedyo negungwa riya regirazi
vaine madimbwa aMwari mumaoko.
3Vakanga vachiimba rumbo rwaMosesi muranda waMwari
norumbo rweHwayana vachiti,
“Tenzi Mwari Samasimbaose
mabasa enyu makuru, anoshamisa,
nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi.
Imi Mambo wapasi chigare.#15:3 Wapasi chigare: Vamwe vanoti wamarudzi.
4Ndiani angarege kukutyai
nokurumbidza zita renyu Tenzi
nokuti imi ndimi munoera
marudzi ose achauya ozokugwadamirai achikunamatai
nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaoneswa.”
5Mushure maizvozvi ndakatarisa
onei Temberi yeTendhe reChitenderano
chokudenga yakazuruka.
6MuTemberi makabuda vatumwa vanomwe vaya
vaine pfumvu nomwe;
vakanga vakapfeka hanzu dzerineni
yakanakisisa inopenya.
Pachipfuwa chavo vakanga vakasunga tambo dzendarama.
7Chimwe chezvisikwa zvina zvipenyu zviya
chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama
dzizere nehasha dzaMwari anogara narini narini.
8Temberi yakazara noutsi
huchibva mukupenya kokuvapo kwaMwari
nokusimba rake.
Hapana aikwanisa kupinda muTemberi
kusvikira pfumvu nomwe
dzavatumwa vanomwe vaya dzapera.

Zvasarudzwa nguva ino

Zvakaratidzwa 15: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda