Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 15:1-8

Zvakazarurwa 15:1-8 SNA2002

Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru chinoshamisa, ichi. Vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe okupedzisira, nokuti kutsamwa kwaMwari kwakapera nawo. Ndikaona chakaita segungwa rinoonekera rakavhenganiswa nomoto, naivo vakauya vakunda chikara nomufananidzo wacho, nechiverengo chezita racho, vamire pamusoro pegungwa rinoonekera, vanohudimbwa hwaMwari. Vakanga vachiimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwayana, vachiti, “Ishe, Mwari waMasimbaose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi. “Ndianiko angarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achauya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.” Shure kwaizvozvo ndakaona temberi yetabhenakeri yohuchapupu yokudenga yakazarurwa; mutemberi mukabuda vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe, vakafuka mucheka wakachena unopenya, vakasungwa pazvipfuva zvavo namabhanire endarama. Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama, dzizere nokutsamwa kwaMwari, iye mupenyu nokusingaperi-peri. Temberi ikazara nohutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu akagona kupinda patemberi, kusvikira madambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.