Akadaidza zvakare chita chavanhu ndokuti kwavari, “Nditeererei munzwe mose munzwisise. Hapana chinhu chinobva kunze kwomunhu chichipinda maari chinogona kumun'oresa asi zvinobva mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. (Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.)” Paakanga apinda mumba, abva zvino pavanhu, vadzidzi vake vakamubvunza nezvomuenzaniso uyu. Iye ndokuti kwavari, “Heya kana nemiwo hamunzwisisi nhai? Hamuoni here kuti chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze hachigoni kumun'oresa nokuti hachipindi mumwoyo make, asi mudumbu make chichizobva chorasirwa kunze?” (Nokudaro akachenura zvokudya zvose.) Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. Nokuti imomo mumwoyo yavanhu, ndimo munobva pfungwa dzakaipa, nounzenza, nokuba, nokuuraya, noupombwe, noruchiva nomwoyo wakaipa, nounyengedzi nokusazvibata, neshanje, nokushonha Mwari nokuzvikudza noupenzi. Zvakaipa zvose izvi zvinobva mukati, uye zvinon'oresa munhu.” Jesu akazobvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni akapinda mune imwe imba asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu, asi haaigona kuvanzika. Asi kutoti pakarepo mumwe mudzimai aiva nomwana wake musikana muduku akanga ano mweya wakaipa, akanzwa nezvake akauya ndokuzviwisira patsoka dzake. Mudzimai uyu aiva muGiriki worudzi rweSirofonikia. Akamukumbira kuti adzinge mweya wakaipa waiva mumwanasikana wake. Iye ndokuti kwaari, “Regai vana vatange vaguta; nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira imbwanana.” Asi iye akamupindura achiti, “Hongu zvazvo Tenzi, inga wani kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya hurubvurubvu hwechingwa chavana.” Iye ndokumuti, “Pamusana pezvawataura izvi chienda zvako; mweya wakaipa watobva mumwanasikana wako.” Mudzimai uya akabva aenda kumba kwake akasvikowana mwana avete pamubhedha mweya wakaipa wabva maari.
Verenga chikamu Mariko 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariko 7:14-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo