Akadanirazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditererei mose, munzwisise!
“Hapana chinhu kunze kwomunhu chingamusvibisa, kana chichipinda maari; asi zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.” [Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.] Zvino akati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo.
Akati kwavari, “Nemiwo hamunzwisisi saizvozvo here? Hamunzwisisi here kuti zvose zviri kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvigoni kumusvibisa?
“Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu, zvichiraswa kunze. Nokutaura kwakadaro akanatsa zvokudya zvose.”
Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mukati, mumwoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, noupombwe, nokuba, nokuuraya, noupfeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, noutere, neziso rine godo, nokutuka, namanyawi, noupenzi; zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu.”
Akasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza. Nokuti mumwe mukadzi, aiva nomwanasikana muduku, akanga ane mweya wakaipa, akati achimunzwa, akauya akazviwisira pasi petsoka dzake. Zvino iye mukadzi aiva muGiriki, worudzi rwaveSirofenike; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake. Akati kwaari, “Vana ngavatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.”
Akapindura, akati kwaari, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya pasi petafura zvimedu zvavana.”
Akati kwaari, “Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako.”
Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubhedha, mweya wakaipa wabva.