Mako 7:14-30
Mako 7:14-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi. Hakuna chinhu chinobva kunze ‘chinosvibisa’ munhu nokupinda maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti ‘asvibe.’ Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Zvino akati abva pavanhu vazhinji uye apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu. Akati, “Hamunzwisisi seiko? Hamuoni kuti hakuna chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze chinogona ‘kumusvibisa’? Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu make, uyezve zvichizobuda mumuviri wake.” Nokutaura uku, Jesu akati zvokudya zvose zvakanaka. Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’ ” Jesu akabva panzvimbo iyo akaenda pedyo neTire. Akapinda mumba akasada kuzivikanwa nomunhu; asi akanga asingagoni kuzvivanza. Zvakaitika ndezvokuti, paakangonzwa nezvake, mukadzi aiva nomwanasikana akanga akabatwa nomweya wetsvina akauya akawira patsoka dzake. Mukadzi uyu aiva muGiriki, akaberekerwa muFonishia yomuSiria. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge dhimoni mumwanasikana wake. Jesu akati kwaari, “Vana vanofanira kutanga kudya zvavanoda, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira kumbwa dzavo.” Iye akapindura akati, “Hongu Ishe, asi kunyange imbwa dziri pasi petafura dzinodya zvimedu zvezvokudya zvavana wani.” Ipapo akati kwaari, “Nokuda kwemhinduro yakadai, enda hako; dhimoni rabva pamwanasikana wako.” Akadzokera kumba kwake akawana mwana wake avete pamubhedha, uye dhimoni raenda.
Mako 7:14-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akadanirazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditererei mose, munzwisise! “Hapana chinhu kunze kwomunhu chingamusvibisa, kana chichipinda maari; asi zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.” [Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.] Zvino akati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo. Akati kwavari, “Nemiwo hamunzwisisi saizvozvo here? Hamunzwisisi here kuti zvose zviri kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvigoni kumusvibisa? “Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu, zvichiraswa kunze. Nokutaura kwakadaro akanatsa zvokudya zvose.” Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mukati, mumwoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, noupombwe, nokuba, nokuuraya, noupfeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, noutere, neziso rine godo, nokutuka, namanyawi, noupenzi; zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu.” Akasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza. Nokuti mumwe mukadzi, aiva nomwanasikana muduku, akanga ane mweya wakaipa, akati achimunzwa, akauya akazviwisira pasi petsoka dzake. Zvino iye mukadzi aiva muGiriki, worudzi rwaveSirofenike; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake. Akati kwaari, “Vana ngavatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.” Akapindura, akati kwaari, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya pasi petafura zvimedu zvavana.” Akati kwaari, “Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako.” Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubhedha, mweya wakaipa wabva.
Mako 7:14-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akadaidza zvakare chita chavanhu ndokuti kwavari, “Nditeererei munzwe mose munzwisise. Hapana chinhu chinobva kunze kwomunhu chichipinda maari chinogona kumun'oresa asi zvinobva mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. (Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.)” Paakanga apinda mumba, abva zvino pavanhu, vadzidzi vake vakamubvunza nezvomuenzaniso uyu. Iye ndokuti kwavari, “Heya kana nemiwo hamunzwisisi nhai? Hamuoni here kuti chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze hachigoni kumun'oresa nokuti hachipindi mumwoyo make, asi mudumbu make chichizobva chorasirwa kunze?” (Nokudaro akachenura zvokudya zvose.) Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. Nokuti imomo mumwoyo yavanhu, ndimo munobva pfungwa dzakaipa, nounzenza, nokuba, nokuuraya, noupombwe, noruchiva nomwoyo wakaipa, nounyengedzi nokusazvibata, neshanje, nokushonha Mwari nokuzvikudza noupenzi. Zvakaipa zvose izvi zvinobva mukati, uye zvinon'oresa munhu.” Jesu akazobvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni akapinda mune imwe imba asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu, asi haaigona kuvanzika. Asi kutoti pakarepo mumwe mudzimai aiva nomwana wake musikana muduku akanga ano mweya wakaipa, akanzwa nezvake akauya ndokuzviwisira patsoka dzake. Mudzimai uyu aiva muGiriki worudzi rweSirofonikia. Akamukumbira kuti adzinge mweya wakaipa waiva mumwanasikana wake. Iye ndokuti kwaari, “Regai vana vatange vaguta; nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira imbwanana.” Asi iye akamupindura achiti, “Hongu zvazvo Tenzi, inga wani kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya hurubvurubvu hwechingwa chavana.” Iye ndokumuti, “Pamusana pezvawataura izvi chienda zvako; mweya wakaipa watobva mumwanasikana wako.” Mudzimai uya akabva aenda kumba kwake akasvikowana mwana avete pamubhedha mweya wakaipa wabva maari.
Mako 7:14-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaɗanira ɀe kwaari ʋanhu ʋazhinji akati kwaʋari: Nditererei mose, munzwisise! Hapanecinhu kunze kwomunhu ciŋgamuȿiɓisa, kana cicipinda maari; asi ɀinoɓuɗa maari, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. [ Kana munhu anenzeʋe dzokunzwa, ngaanzwe.] Ɀino wakati abva kuʋanhu ʋazhinji, apinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza ɀomufananidzo uyo. Akati kwaʋari: Nemi ʋo hamunzwisisi saiɀoɀo here? Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀiri kunze, kana ɀicipinda mumunhu, haɀigoni kumuȿiɓisa? Nokuti haɀipindi mumŋoyo make asi muɗumbu, ɀicirashwa kunze; nokutaura kwakaɗaro wakanatsa ɀokudya ɀose. Ipapo akati: Ɀinoɓuɗa mumunhu ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Nokuti mukati, mumŋoyo yaʋanhu munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, noʋupombge, nokuɓa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noruciʋa, nokuipa, nokunyeŋgera, noʋutere, neziso rinegoɗo, nokutuka, namanyawi, noʋupenzi; ɀakaipa iɀoɀo ɀose ɀinobva mukati, ɀinoȿiɓisa munhu. Wakasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTire neSidoni; akapinda mumba, asiŋgaɗi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuɀiʋanza. Nokuti mumŋe mukadzi, waiʋa nomŋanasikana muɗuku, wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakati acimunzwa, akaʋuya akaɀiwisira pasi petsoka dzake. Ɀino iye mukadzi waiʋa muGiriki, worudzi rwaʋeSirofenike; akaramba acikumbira kwaari kuti aɓuɗise mŋeya wakaipa pamŋanasikana wake. Akati kwaari: Ʋana ŋgaʋataŋge kuguta, nokuti haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. Akapindura, akati kwaari: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya pasi petafura ɀimeɗu ɀaʋana. Akati kwaari: Nokuɗa kweshoko iro, enda; mŋeya wakaipa wabva pamŋanasikana wako. Akaenda kumba kwake, akawana mŋana aʋete pamubeda, mŋeya wakaipa wabva.
Mako 7:14-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)