Akaɗanira ɀe kwaari ʋanhu ʋazhinji akati kwaʋari: Nditererei mose, munzwisise! Hapanecinhu kunze kwomunhu ciŋgamuȿiɓisa, kana cicipinda maari; asi ɀinoɓuɗa maari, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. [ Kana munhu anenzeʋe dzokunzwa, ngaanzwe.] Ɀino wakati abva kuʋanhu ʋazhinji, apinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza ɀomufananidzo uyo. Akati kwaʋari: Nemi ʋo hamunzwisisi saiɀoɀo here? Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀiri kunze, kana ɀicipinda mumunhu, haɀigoni kumuȿiɓisa? Nokuti haɀipindi mumŋoyo make asi muɗumbu, ɀicirashwa kunze; nokutaura kwakaɗaro wakanatsa ɀokudya ɀose. Ipapo akati: Ɀinoɓuɗa mumunhu ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Nokuti mukati, mumŋoyo yaʋanhu munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, noʋupombge, nokuɓa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noruciʋa, nokuipa, nokunyeŋgera, noʋutere, neziso rinegoɗo, nokutuka, namanyawi, noʋupenzi; ɀakaipa iɀoɀo ɀose ɀinobva mukati, ɀinoȿiɓisa munhu.
Wakasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTire neSidoni; akapinda mumba, asiŋgaɗi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuɀiʋanza. Nokuti mumŋe mukadzi, waiʋa nomŋanasikana muɗuku, wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakati acimunzwa, akaʋuya akaɀiwisira pasi petsoka dzake. Ɀino iye mukadzi waiʋa muGiriki, worudzi rwaʋeSirofenike; akaramba acikumbira kwaari kuti aɓuɗise mŋeya wakaipa pamŋanasikana wake. Akati kwaari: Ʋana ŋgaʋataŋge kuguta, nokuti haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. Akapindura, akati kwaari: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya pasi petafura ɀimeɗu ɀaʋana. Akati kwaari: Nokuɗa kweshoko iro, enda; mŋeya wakaipa wabva pamŋanasikana wako. Akaenda kumba kwake, akawana mŋana aʋete pamubeda, mŋeya wakaipa wabva.