Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 7

7
Magamuchidzanwa etsika dzamadzitateguru
(Mat 15:1–9)
1Zvino vaFarisei vakaunganira Jesu pamwechete nedzimwe nyanzvi dzoMutemo dzakanga dzabva kuJerusaremu. 2Vakaona kuti vamwe vavadzidzi vake vaidya chingwa namaoko ane tsvina, zvinoreva kuti, asina kushambwa, 3nokuti vaFarisei navaJudha vose havadyi chinhu vasina kunyatsoshamba maoko avo vachitevedza magamuchidzanwa etsika dzamadzitateguru avo 4nokuti kana vachinge vabva kumusika havambodya chinhu vasina kushamba. Dziripo dzimwe tsika zhinji dzavakatora kumadzitateguru avo dzavanochengeta sokuti kusuka komichi, nehari, nemidziyo yekopa (nemibhedha). 5Ipapo vaFarisei nenyanzvi dzoMutemo vakamubvunza vachiti, “Ko vadzidzi venyu vanoregererei kuchengeta tsika dzamagamuchidzwanwa dzamadzitateguru, zvavanodyazve chingwa namaoko ane tsvina?” 6Akavapindura achiti, “Inga muporofita Isaya akataura chokwadi nezvenyu, imi vanyengedzi, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi:
“ ‘Vanhu ava vanondikudza zvapamuromo chete
asi mwoyo yavo iri kure neni.
7Kundinamata kwavo ndokwonhando
nokuti vanodzidzisa sechokwadi chaicho,
zvinhu zvakatemwa zvavo navanhu.’
8“Munokanda pasi murao waMwari kuti muti dzvemere namagamuchidzanwa etsika dzavanhu.” 9Akatizve kwavari: “Makanyatsozviwanira nzira yokunzvenga nayo murao waMwari kuti muwane machengetero amagamuchidzanwa etsika dzenyu,” 10nokuti Mosesi akati, “Kudza baba vako naamai vako uye anotuka baba vake kana amai vake anofanira kutofa.” 11Asi imi munoti, “Kana munhu akati kuna baba kana kuna amai vake, ‘Chinhu chandingadai ndakuyamurai nacho chave Korobhani’ (zvichireva kuti chipo chasumwa kuna Mwari), 12hamuzomubvumira kuyamura baba vake kana amai vake. 13Nokudaro munoita kuti shoko raMwari rive chinhu pasina, pamusana pamagamuchidzanwa etsika dzenyu amunogamuchidzana; munoitawo zvimwe zvizhinji zvakafanana nezvizvi.”
Chinon'oresa munhu
(Mat 15:10–20)
14Akadaidza zvakare chita chavanhu ndokuti kwavari, “Nditeererei munzwe mose munzwisise. 15Hapana chinhu chinobva kunze kwomunhu chichipinda maari chinogona kumun'oresa asi zvinobva mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. 16(Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.)” 17Paakanga apinda mumba, abva zvino pavanhu, vadzidzi vake vakamubvunza nezvomuenzaniso uyu. 18Iye ndokuti kwavari, “Heya kana nemiwo hamunzwisisi nhai? Hamuoni here kuti chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze hachigoni kumun'oresa 19nokuti hachipindi mumwoyo make, asi mudumbu make chichizobva chorasirwa kunze?” (Nokudaro akachenura zvokudya zvose.) 20Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. 21Nokuti imomo mumwoyo yavanhu, ndimo munobva pfungwa dzakaipa, nounzenza, nokuba, nokuuraya, 22noupombwe, noruchiva nomwoyo wakaipa, nounyengedzi nokusazvibata, neshanje, nokushonha Mwari nokuzvikudza noupenzi. 23Zvakaipa zvose izvi zvinobva mukati, uye zvinon'oresa munhu.”
III: BASA RAJESU ROKUPARIDZA KUNZE KWEGARIREA
Jesu anoporesa mwana womudzimai wokuSirofonikia
(Mat 15:21–28)
24Jesu akazobvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni akapinda mune imwe imba asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu, asi haaigona kuvanzika. 25Asi kutoti pakarepo mumwe mudzimai aiva nomwana wake musikana muduku akanga ano mweya wakaipa, akanzwa nezvake akauya ndokuzviwisira patsoka dzake. 26Mudzimai uyu aiva muGiriki worudzi rweSirofonikia. Akamukumbira kuti adzinge mweya wakaipa waiva mumwanasikana wake. 27Iye ndokuti kwaari, “Regai vana vatange vaguta; nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira imbwanana.” 28Asi iye akamupindura achiti, “Hongu zvazvo Tenzi, inga wani kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya hurubvurubvu hwechingwa chavana.” 29Iye ndokumuti, “Pamusana pezvawataura izvi chienda zvako; mweya wakaipa watobva mumwanasikana wako.” 30Mudzimai uya akabva aenda kumba kwake akasvikowana mwana avete pamubhedha mweya wakaipa wabva maari.
Jesu anoporesa matsi munyika yeDhekaporisi
31Zvino Jesu akabva mudunhu reTire akapfuura nomuSidhoni achinanga kugungwa reGarirea; akaenda napakati penyika yeDhekaporisi. 32Vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari matsi asingagoni kunyatsotaura. Vakamuteterera kuti aise ruoko rwake paari. 33Iye akamutora parutivi kubva kuruzhinji rwavanhu voenda pavo voga. Akapinza minwe yake munzeve dzake; akapfira mate ndokubata rurimi rwake. 34Ipapo akatarisa kudenga ndokutura befu oti kwaari, “Efata,” zvichireva kuti, “Dziuka.” 35Pakarepo nzeve dzake dzakabva dzadziuka, kadzita#7:35 Kadzita: Mudzira unobata rurumi kuti rurege kutaura kanonziwo rundimbo. korurimi rwake rakabva kasununguka, ndokubva ava kugona kutaura zvakanaka. 36Akavatsindidza kuti vasataurire izvi kuna ani zvake. Asi sokunyanya kutsindidza kwaakavaita, vakabva vatonyanyawo kuzviparidzira. 37Vanhu vakashamiswa chaizvo vachiti, “Akaita zvakanaka zvinhu zvose zvaakaita. Anoita kuti kunyange vamatsi vanzwe nembeveve dzitaure.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mariko 7: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda