Zvanzi naTenzi, pazuva iroro, mudzimai iwe uchazondidaidza kuti, “Murume wangu.” Hauchazondidaidza kuti, “Bhaari wangu.” Ndinodaro nokuti ndichabvisa mazita avanaBhaari pamuromo pake, havachazodomwazve nezita. Pazuva iroro, kuri kuitiremi zvenyu, ndichaita chitenderano nemhuka dzesango neshiri dzedenga nezvinokambaira nepasi, zvouta nezvamapakatwa nezvehondo izvi, munyika muno, ndigozvipedza ndichiita kuti munyatsorara zvenyu pasina chinokuwanai. Ndichakuroorazve uchiva wangu nokusingaperi. Ndichakuroorazve ndigova pachokwadi newe. Zvandinenge ndoita kwauri, zvinenge zviri zvinhu zviri pamwero zvine rudo chairwo netsitsi. Ndichakuroorazve tigoitirana mukutendeka. Ndipo pachazoziva Tenzi.
Verenga chikamu Hosea 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Hosea 2:16-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo