Hosea 2
2
1Chiti kuvakomanavanun'una vako, “Vava vanhu vangu,” utaurire hanzvadzi dzako kuti, “Mava kunzwirwa tsitsi.”
Unzenza hwaGomero, hufeve hweIsiraeri
Tsiurai amai venyu!
2Vatsiurei nokuti
havachisiri mukadzi wangu,
uye handichisiri murume wavo,
kuitira kuti vabvise pauso hwavo zviratidzo
zvoufeve hwavo nezvinoratidza ufeve hwavo
zviri pakati pamazamu avo.
3Ndingadaro ndikavapfekenura mbatya
vakasara vangoita sokuuya kwavakaita
musi wavakaberekwa
ndivaite segwenga zvaro,
ndivaite senyika yakaoma
ndikavauraya nenyota.
4Kunyange nemiwo vana vacho,
handisi kuzokunzwiraiwo tsitsi
nokuti muri vana voupombwe imi,
5pamusana pokuti
amai venyu vakaita ufeve,
ivo vakabata pamuviri penyu
ndivo vacho vakaita
zvinhu zvakafumuka
nokuti amai ava vakati,
“Regai nditeveredzane nezvikomba zvangu
zvinondiwanisa sadza nemvura
newuru neshinda yofurakisi
namafuta nezvokunwira-nwira.”
6Naizvozvo ndichasosa
nzira yavo neminzwa
ndigovavakirira nerusvingo
kuti vatadze kuwana nzira dzavo.
7Vacharonda zvikomba zvavo
vagotadza kuzvibata,
vachazvitsvaka vagozvishaya.
Ndipo pavachati,
“Regai ndisve ndadzokera
kumurume wangu wokutanga
nokuti zvakanga zviri nani kwandiri
pane zvazviri nhasi.”
8Havaimboziva kuti ndini ndaivapa
mbesanwa newaini namafuta
uye kuti ndaivapa matutu namatutu emari,
sirivha nendarama yavaishandisa
kunamata zvavo Bhaari.
9Naizvozvo ini ndichavatorera
mbesanwa dzangu panguva yadzo
newaini yangu itsva mumwaka wayo,
ndichabvisa wuru yangu
neshinda yangu yefurakisi
yavaizowana nayo zvokupfeka.
10Iye zvino ndava kuzovafumura
ufeve hwavo ihwohwo
vaonererwe nezvikomba zvavo.
Hakuna kana nomumwechete
achagona kuvanunura mumaoko mangu
11kusasana nokufara kwavo ndichakupedza;
pamwechete namazuva avo makuru
neokugara kwomwedzi yavo
namasabata avo
namamwe mazuva avo makuru avakatemerwa.
12Minda yavo yamagirepisi
nemiti yemionde
ndichaisiya isisina chinhu,
iyo yavaizuwa nayo vachiti,
“Ndizvo zvomuripo wangu izvi
wandakapiwa nezvikomba zvangu.”
Ndichaiita kuti rive sango zvaro
ichidyiwa zvayo nemhuka dzesango.
13Ndichavarangira mazuva makuru
avanochengetera vanaBhaari
pamunopisira rusenzi kwavari
vachizvishongedza nemhete
nezvishongo zvinokosha
vachiteveredzana nezvikomba zvavo
vachitondikanganwa zvavo.
Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Rudo rwaTenzi navanhu vake
14Naizvozvo chinzwai,
ndichanyengetedza amai venyu
ndiende navo kurenje
nditaure navo zvinovabata mwoyo.
15Ikoko ndokwandichavadzosera
minda yavo yamagirepisi
ndigoita kuti Bani rokutambura
rive musuo wechitarisiro.
Ikokowo vachadaira
sapamazuva avo oumhandara
senguva iya yavakabuda muIjipiti.
16Zvanzi naTenzi, pazuva iroro, mudzimai iwe uchazondidaidza kuti, “Murume wangu.” Hauchazondidaidza kuti, “Bhaari wangu.” 17Ndinodaro nokuti ndichabvisa mazita avanaBhaari pamuromo pake, havachazodomwazve nezita. 18Pazuva iroro, kuri kuitiremi zvenyu, ndichaita chitenderano nemhuka dzesango neshiri dzedenga nezvinokambaira nepasi, zvouta nezvamapakatwa nezvehondo izvi, munyika muno, ndigozvipedza ndichiita kuti munyatsorara zvenyu pasina chinokuwanai. 19Ndichakuroorazve uchiva wangu nokusingaperi. Ndichakuroorazve ndigova pachokwadi newe. Zvandinenge ndoita kwauri, zvinenge zviri zvinhu zviri pamwero zvine rudo chairwo netsitsi. 20Ndichakuroorazve tigoitirana mukutendeka. Ndipo pachazoziva Tenzi.
21Zvanzi naTenzi, “Pazuva iroro,
ini ndichanzwa chichemo chamatenga,
matengawo achanzwawo chichemo chenyika mvura igonaya,
22nyikawo igopindurawo chichemo ichocho
nembesanwa newaini namafuta
zvichipindura chichemo chaMwarianosima.”#2:22 Mwarianosima: MuchiHebheru rinoti Jezirieri.
23Ndichamusimireni pachangu
munyika iyoyi,
ndichinzwirawo tsitsi, “Mushayirwatsitsi”
ndigoti kuna, “Vasivangu,”
“Imi mava vanhu vangu,”
Vasivangu achizotiwo,
“Ndimi Mwari wangu.”
Zvasarudzwa nguva ino
Hosea 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.