Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, achandiidza Ishi, haungazondiidzi Bhaari. Nokuti ndichabvisa mazita avaBhaari mumuromo make, havangazozikanwi namazita avo. Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; ndichavhuna uta nomundo nehondo panyika, ndivavatise pasi vakachengetwa. Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha. Ndichakunyenga uve wangu nokutendeka; ipapo uchaziva Jehovha.
Verenga chikamu Hosea 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Hosea 2:16-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo