Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 2:16-20

Hosea 2:16-20 BDSC

“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Uchanditi ‘murume wangu;’ hauchazonditi ‘tenzi wangu.’ Ndichabvisa mazita avanaBhaari pamiromo yavo; havangazodani kumazita avozve. Pazuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzesango neshiri dzedenga uye nezvipuka zvinokambaira pasi. Uta nomunondo nehondo, ndichazvibvisa panyika kuti zvose zvivate pasi zvakachengetedzeka. Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira, murudo netsitsi. Ndichatsidza kukuwana mukutendeka, uye uchabvuma kuti ndini Jehovha.