Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 33:18-23

Kubuda 33:18-23 SCLB

Mosesi akati, “Ndapota, ndiratidzeiwo mbiri yenyu inopenya.” Mwari ndokuti, “Ndichapfuura napauri uone kunaka kwangu kwose ndigodoma zita rangu rokuti ‘Yahweh’. Ndinoitira mwoyochena kune wandinenge ndada zvangu kuitira mwoyochena, ndichiitirawo tsitsi kune wandinenge ndada zvangu kuitira tsitsi.” Asi akati, “Haugone kuona chiso changu nokuti hakuna munhu angandione akaramba ari mupenyu.” Tenzi akati, “Chinzwa, pane imwe nzvimbo iri kuno kwandiri ndopauchamira padombo. Saka kupenya hwokuvapo kwangu pakuchapfuura nepo, mubako redombo iroro ndichakufukidza noruoko rwangu kudzamara ndapfuura. Ndichabvisa ruoko rwangu, undione nechokumusana kwangu chete. Asi chiso changu hachionekwi.”

Verenga chikamu Kubuda 33