Kubuda 33
33
Mwari anoudza vaIsiraeri kuti vabve paSinai
1Tenzi akati kuna Mosesi, “Iwe navaIsiraeri vawakaburitsa munyika yeIjipiti, chisimukai muende kunyika yandakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho kuti ndichazopa vana vavo. 2Ini ndichatoita zvokutotuma mutumwa wangu akutungamirirei, ndigodzinga vaKanani navaAmori navaHiti navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. 3Chiendai zvenyu kunyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi nokuti ini handichaenda ndiri pakati penyu. Ndingadaro ndikazokuparadzai nokuti imi muri tsvuuramuromo dzavanhu.”
4Vanhu vakati vachinzwa mashoko akaipa kudai, vakachema. Vose vakarega kupfeka zvishongo zvavo zvendarama. 5Tenzi akati kuna Mosesi, “Iti kuvaIsiraeri, ‘Imi muri tsvuuramuromo dzavanhu, kana ndikaenda ndiri pakati penyu, kunyange kwakanguva kaduku ndingakutsakatisei.’ Zvino chibvisai zvishongo zvenyu zvendarama, ndigozoona zvangu zvandichaita nemi.” 6Kubvira panguva yakabva vaIsiraeri pagomo reSinai havana kuzopfekazve zvishongo zvendarama.
Tendhe rokusanganira
7Mosesi aiti kana vasvika pavaidzika matendhe, aitora rimwe tendhe achindoridzika chinhambwe riri paro roga. Tendhe iroro akaritumidza zita rokuti tendhe rokusanganira. Ani naani ainge aine zvaanoda kuna Tenzi aienda kutendhe rokusanganira iroro rainge riri kunze kwamatendhe. 8Paienda Mosesi kutendhe iroro vanhu vose vaimira pamisuo yamatendhe avo vachiramba vakatarisa Mosesi, kudzamara apinda mutendhe rokusanganira. 9Mosesi aiti kana apindamo, shongwe yegore yaiuya yomira pamusuo wetendhe iroro, Tenzi otaura naMosesi. 10Vanhu vose vaiti nyandu kusumuka kana vaona shongwe yegore iyoyo yamira pamusuo wetendhe iroro, vobva vazoti pasi gwadagwa munhu woga woga ari pamusuo wetendhe rake vonamata. 11Saizvozvo Tenzi aitaurirana naMosesi vakatarisana uso nouso somunhu anokurukurirana neshamwari yake. Painge Mosesi odzokera zvake kumatendhe, Joshuwa, mwanakomana waNunu, jaya raibatsira Mosesi, akanga asingasiyane netendhe iroro.
Tenzi anotsidza kuchengeta vanhu vake
12Mosesi akataura kuna Tenzi achiti, “Hongu makandituma kutungamirira vanhu ava, asi hamuna kuzondiudza kuti achandibatsira kuenda navo ndiani, kunyange zvazvo makati munonyatsondiziva nezita uyewo muchifadzwawo neni. 13Naizvozvo ndapota zvangu kana zvichikufadzai ndiratidzeiwo nzira dzenyu kuti ndikuzivei kuitira kuti ndikufadzei, murangarirewo kuti rudzi urwu rwavanhu, vanhu venyu.” 14Mwari akapindura achiti, “Ndichaenda ndichiratidza kuti ndinemi, ndigokupai rugare.”
15Mosesi akati kwaari, “Kana imi musingaende nesu musatirege tichibva pano 16nokuti zvingagozozikanwa seiko kuti imi munofadzwa neni uye navanhu venyu? Handiti iko kuenda nesu ndiko kunonyatsoratidza kuti ini navanhu venyu tiri vanhu vakasiyana namamwe marudzi ose apasi pano here?”
17Tenzi akapindurawo Mosesi achiti, “Zvawataura ndichaita izvozvo chaizvo ndozvandichaita nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”
18Mosesi akati, “Ndapota, ndiratidzeiwo mbiri yenyu inopenya.”
19Mwari ndokuti, “Ndichapfuura napauri uone kunaka kwangu kwose ndigodoma zita rangu rokuti ‘Yahweh’. Ndinoitira mwoyochena kune wandinenge ndada zvangu kuitira mwoyochena, ndichiitirawo tsitsi kune wandinenge ndada zvangu kuitira tsitsi.” 20Asi akati, “Haugone kuona chiso changu nokuti hakuna munhu angandione akaramba ari mupenyu.” 21Tenzi akati, “Chinzwa, pane imwe nzvimbo iri kuno kwandiri ndopauchamira padombo. 22Saka kupenya hwokuvapo kwangu pakuchapfuura nepo, mubako redombo iroro ndichakufukidza noruoko rwangu kudzamara ndapfuura. 23Ndichabvisa ruoko rwangu, undione nechokumusana kwangu chete. Asi chiso changu hachionekwi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 33: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.