Iye akati, “Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu.” Jehovha akati, “Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako, asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.” Akatiwo, “Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona, akazorarama.” Jehovha akatiwo, “Tarira pane nzvimbo uno kwandiri, ungamira pabwe. Zvino kana kubwinya kwangu kwopfuura, ndichakupinza mumukana webwe, ndigokufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura; ipapo ndichabvisa ruoko rwangu, ugondiona necheshure; asi chiso changu hachionekwi.”
Verenga chikamu Ekisodho 33
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 33:18-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo