Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 33

33
Jehovha anoramba kuenda navaIsiraeri, asi Mosesi anovanyengeterera
1Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Ibva pano, kwira, iwe navanhu vawakabudisa munyika yeIjipiti, muende kunyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ndichaipa vana vako; 2ndichatuma mutumwa pamberi penyu, kuti ndidzinge vaKenani, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, naJebhusi, 3muende kunyika inoyerera mukaka nouchi, nokuti ini handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira.”
4Zvino vanhu vakati vachinzwa mashoko iwayo akaipa, vakachema; kwakanga kusina munhu wakashonga zvishongo zvake. 5Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Uti kuvana vaIsiraeri, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu chinguva chimwe chiduku-duku, ndingakuparadzai; naizvozvo bvisai zvishongo zvenyu zvino, ndizive chandingakuitirai.’ ” 6Ipapo vana vaIsiraeri vakabvisa zvishongo zvavo kubva pagomo reHorebhu.
7Zvino Mosesi waisitora tende, achindoridzika kunze kwemisasa, kure nemisasa, akaritumidza zita rinonzi, Tende rokusangana. Zvino mumwe nomumwe waitsvaka Jehovha, waibudira kutende rokusangana, rakanga riri kunze kwemisasa. 8Zvino kwaiti kana Mosesi obudira kuTende, vanhu vose vaisimuka, vakamira mumwe nomumwe pamukova wetende rake, vakaramba vakatarira Mosesi kusvikira apinda muTende. 9Zvino kana Mosesi apinda muTende, shongwe yegore yaJehovha yaiburuka ikamira pamukova weTende, Jehovha akataura naMosesi. 10Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova weTende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake. 11Ipapo Jehovha waitaura naMosesi zviso zvakatarisana, somunhu anotaurirana neshamwari yake. Zvino wodzokerazve kumisasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, haazaibva paTende.
12Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Tarirai, makati kwandiri, ‘Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni,’ kunyange makati, ‘Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.’ 13Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu; rangariraiwo kuti rudzi urwu ndivanhu venyu.”
14Jehovha akati, “Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo.” 15Akati kwaari, “Kana imi mumene musingaendi neni, regai henyu kutibvisa pano. 16Nokuti zvichazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini navanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigova vakatsaurwa, ini navanhu venyu pakati pavamwe vanhu vose vapanyika dzose here?”
17Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako.”
18Iye akati, “Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu.”
19Jehovha akati, “Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako, asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.” 20Akatiwo, “Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona, akazorarama.” 21Jehovha akatiwo, “Tarira pane nzvimbo uno kwandiri, ungamira pabwe. 22Zvino kana kubwinya kwangu kwopfuura, ndichakupinza mumukana webwe, ndigokufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura; 23ipapo ndichabvisa ruoko rwangu, ugondiona necheshure; asi chiso changu hachionekwi.”

Zvasarudzwa nguva ino

Ekisodho 33: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda