Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 33:18-23

Ekisodho 33:18-23 BDSC

Ipapo Mozisi akati, “Zvino ndiratidzei kubwinya kwenyu.” Uye Jehovha akati, “Ndichaita kuti kunaka kwangu kupfuure napamberi pako, uye ndichaparidza zita rangu, iro Jehovha, pamberi pako. Ndichanzwira nyasha iye wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi uyo wandichanzwira tsitsi.” Akati, “Asi haugoni kuona chiso changu, nokuti hapana munhu angandiona uye akararama.” Ipapo Jehovha akati, “Pane nzvimbo iri pedyo neni paungamira padombo. Panopfuura kubwinya kwangu, ndichakuisa mumukaha wedombo uye ndichakufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura. Ipapo ndichabvisa ruoko rwangu uye uchaona shure kwangu; asi chiso changu hachifaniri kuonekwa.”