Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 7:6-10

Kutsinhira Mutemo 7:6-10 SCLB

Ndinodaro nokuti imi muri vanhu vatsvene vakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Tenzi Mwari wenyu akakusarudzai pakati pamarudzi ose, apasi pano pose, kuti muve vanhu vake pachake. “Hakusi kuwanda kwenyu kupfuura vamwe kwakaita kuti Tenzi akudei nokukusarudzai nokuti maiva vashoma kwazvo pana mamwe marudzi ose. Asi nokuti Tenzi anokudai, aidawo kuchengetedza chitsidzo chake chaakaita namadzitateguru enyu. Tenzi akakubudisai nesimba guru, akakununurai muuranda hwaFarao mambo weIjipiti. Naizvozvo zivai kuti Tenzi Mwari wenyu ndiye Mwari iyeyo. NdiTenzi akavimbika anochengetedza chitenderano chake, ane mwoyochena kune vanomuda, navanochengeta mitemo yake kusvikira kuzvizvarwa zvavo zvamazana akazanirana. Asi vanomuvenga anovaranga ivo pachavo achivaparadza. Haambozengurira kuparadza vanomuvenga ivavo.