Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha Mwari wako wakakutsaura kuti uve rudzi rwake chairwo pakati pendudzi dzose dziri panyika dzose. “Jehovha haana kukudai, kana kukutsaurira, nokuti makanga makapfuura dzimwe ndudzi nokuwanda; nokuti imi makanga muri vashoma kundudzi dzose. Asi nokuti Jehovha unokudai, uye nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai neruoko rune simba, akakudzikinurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo weIjipiti. Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako, ndiye Mwari, Mwari wakatendeka, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake kusvikira kumarudzi ane chiuru chamazana; anotsiva vanomuvenga mumwe nomumwe, kuti avaparadze; haanganonokeri munhu anomuvenga, asi achamutsiva iye amene.
Verenga chikamu Dhuteronomi 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhuteronomi 7:6-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo