Nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, Jehovha Mwari wenyu akakutsaurai kubva kundudzi dzose dziri panyika kuti muve vanhu vake, pfuma yake inokosha. Jehovha haana kukudai kana kukutsaurai nokuti makanga makawanda kupfuura dzimwe ndudzi nokuti imi makanga muri vashoma kwazvo pandudzi dzose. Asi nokuda kwokuti Jehovha anokudai uye akachengeta mhiko yaakaita kumadzitateguru enyu nokuda kwaizvozvo akakubudisai noruoko rune simba uye akakudzikinurai kubva munyika youranda, kubva pasimba raFaro mambo weIjipiti. Naizvozvo zivai kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari; iye ndiMwari akatendeka anochengeta sungano yake yorudo kusvikira kumarudzi ane chiuru chamarudzi kuna avo vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake. Asi vaya vanomuvenga achatsiva pamberi pavo nokuparadza; haachazononoki kutsiva pamberi pavo ivo vaya vanomuvenga.
Verenga chikamu Dhuteronomi 7
Terera ku Dhuteronomi 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhuteronomi 7:6-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo