Kutsinhira Mutemo 7
7
Vanhu vaTenzi chaivo vaakazvisarudzira
(Kub 34:11–16)
1“Kana Tenzi Mwari wenyu azokuunzai munyika yamuri kundotora, achakudzingirai marudzi aya avanhu akasimba anoti: vaHiti navaGirigashi navaAmori navaKanani navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. 2Kana Tenzi Mwari wenyu avaisa mumaoko enyu, mukavakunda, vaparadzei zvachose. Musaite chitenderano navo kana kuvanzwira tsitsi. 3Imi navana venyu, musaroorerane navo 4nokuti vachatsautsa vana venyu pakunditevera vondoshandira vamwe vamwari. Ipapo muchashatirisa Tenzi achibva akuparadzai nokukasika. 5Izvi ndizvo zvamuchaita navo: muchapaza atari dzavo, moputsa mbiru dzamabwe akateketerwa, mopwanya zvifananidzo zvavo zvezvimiti zvinomiririra Ashera nokupisa nomoto zvifananidzo zvavo zvakavezwa. 6Ndinodaro nokuti imi muri vanhu vatsvene vakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Tenzi Mwari wenyu akakusarudzai pakati pamarudzi ose, apasi pano pose, kuti muve vanhu vake pachake.
7“Hakusi kuwanda kwenyu kupfuura vamwe kwakaita kuti Tenzi akudei nokukusarudzai nokuti maiva vashoma kwazvo pana mamwe marudzi ose. 8Asi nokuti Tenzi anokudai, aidawo kuchengetedza chitsidzo chake chaakaita namadzitateguru enyu. Tenzi akakubudisai nesimba guru, akakununurai muuranda hwaFarao mambo weIjipiti. 9Naizvozvo zivai kuti Tenzi Mwari wenyu ndiye Mwari iyeyo. NdiTenzi akavimbika anochengetedza chitenderano chake, ane mwoyochena kune vanomuda, navanochengeta mitemo yake kusvikira kuzvizvarwa zvavo zvamazana akazanirana. 10Asi vanomuvenga anovaranga ivo pachavo achivaparadza. Haambozengurira kuparadza vanomuvenga ivavo. 11Naizvozvo chengetai zvirevo izvi nemitemo nemirao iyoyi yandinokuudzai nhasi uno.
Makomborero anowanikwa nomunhu anoteerera
(Kut 28:1–14)
12“Zvino kana mukanzwa mirao iyoyi, mukaiteerera muchiichengeta, Tenzi Mwari wenyu achachengeta chitenderano chaakaita nemi, acharamba achikuitirai mwoyochena sokutsidzira kwaakaita madzitateguru enyu. 13Achakudai, achakukomborerai, achakuitai kuti muwande. Achakupai chikomborero chevana vakawanda. Achakupai makomborero emichero yeminda yenyu, neembesanwa dzenyu, neewaini neemafuta neemombe dzakawanda, neezvipfuwo zvizhinji, munyika yaakapika kumadzitateguru enyu kuti azopa imi. 14Imi ndimi muchakomborerwa kupfuura marudzi ose avanhu. Pakati penyu hapachazovi nomurume asingabereki, kana mukadzi anoshaya mbereko, kana nezvipfuwo zvisingaite vana. 15Tenzi achakudzivirirai kuzvirwere zvose. Zvirwere zvose zvokuIjipiti zviya zvamakaona haazoiti kuti zvikubatei. Asi achaita kuti zvibate vavengi venyu. 16Paradzai marudzi ose anoiswa mumaoko enyu naTenzi Mwari wenyu. Musavanzwire tsitsi. Musambonamata vamwari vavo nokuti chichava chinhu chokukuteyai nacho.
17“Saka usati nechomumwoyo mako, ‘Ndudzi idzi dzine vanhu vakawanda kupfuura isu. Tingavadzinge seiko munyika iyoyi?’ 18Musavatye, asi rangarirai zvakaitwa naTenzi Mwari wenyu kuna Farao nevaIjipiti vose. 19Imi nameso enyu, makaona zviedzo zvikuru nezviratidzo nezvishamiso zvakaitwa nesimba guru raTenzi Mwari wenyu paakakuburitsaimo. Ndizvo zvichaitwa naTenzi Mwari wenyu kumarudzi ose amuri kutya. 20Tenzi Mwari wenyu achavaitisa kuti vaparadzwe savanhu varumwa namago kusvikira vose vanenge vasara vari vapenyu nevanenge vakahwanda vaparadzwa. 21Musavatye, nokuti Tenzi Mwari wenyu anemi ndiMwari mukuru anotyisa. 22Tenzi Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzodzo paduku paduku. Hamungavaparadze nenguva nduku nduku nokuti zvikara zvingazokuwandirai. 23Asi Tenzi Mwari wenyu achaisa vavengi venyu mumaoko menyu achivavhiringidza kusvikira vose vapera kuti nho-o. 24Achaisa madzimambo avo mumaoko menyu. Imi munofanira kuita kuti mazita avo arove pasi pano. Hakuna nomumwe wavo achakwanisa kumirisana nemi kusvikira mavaparadza. 25Pisai nomoto zvifananidzo zvokuveza zvavamwari vavo. Musaite ruchiva nesirivha kana nendarama iri pazviri. Musaitore moita yenyu nokuti ingazova chinhu chokukuteyai, Tenzi Mwari wenyu haazvidi. 26Musaunze chinhu chisingadiwi naMwari mumba menyu, kana mukadaro munotoparadzwa saicho. Chisemei muvengane nacho nokuti chinhu chinenge chakanzi naMwari chiparadzwe.
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 7: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.