Kutsinhira Mutemo 6
6
Mutemo mukuru
1“Izvi ndizvo zvirevo nemitemo nemirao yandakataurirwa naTenzi Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei mugoichengeta munyika yamava kuyambukira kundotora. 2Ndinodaro kuitira kuti muremekedze Tenzi Mwari wenyu. Imi navana venyu navazukuru venyu ndinokuudzai kuti muchengete mitemo nemirao yake yose, mazuva ose oupenyu hwenyu kuti mazuva enyu awande. 3Saka imi vaIsiraeri iteererei muichengete, kuti zvikunakirei, muwande zvakanyanya munyika yakanaka yomukaka nouchi sokuvimbisa kwamakaitwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu.
4“Teerera unzwe iwe Isiraeri. Tenzi Mwari wedu ndiye Mwari oga. 5Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. 6Mitemo iyoyi yandinokuudza nhasi ngaigare mumwoyo mako. 7Nyatsoidzidzisa vana vako. Uitaure wataurazve ugere mumba mako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge urere pasi, napaunomuka. 8Uisungirire paruoko rwako chive chiratidzo, uisungirirewo pahuma yako netsungare. 9Inyore pamagwatidziro emba yako napamisuo yako mikuru.
Vanhu vanoyambirwa nezvokusateerera
10“Tenzi Mwari wako paachazenge akuunza munyika yaakatsidzira kumadzibaba ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho kuzokupa nyika ina maguta makuru akanaka amusina kumbovaka 11ane dzimba dzizere zvinhu zvakanaka, zvausina kuisamo, namatsime ausina kumbochera, neminda yemagirepisi neyemiorivhi yausina kumbosima, wadya zvokuguta, 12chenjerera kuti urege kukanganwa Tenzi akakubudisa munyika yeIjipiti kwamaiva muuranda. 13Remekedza Tenzi Mwari wako, umushandire, upike nezita rake. 14Usatevere vamwe vamwari, kana vamwari vendudzi dzavanhu vagere munharaunda yako, 15nokuti Tenzi Mwari wako ndiMwari weshanje.
16“Usaedze Tenzi Mwari wako sezvawakamboita kuMasa. 17Unofanira kunyatsochengeta mitemo yaTenzi Mwari wako, nechitenderano chake, nemirao yaakakupa. 18Zvinonzi naTenzi zvakarurama nezvakanaka, ndizvo zvaunofanira kuita, kuti zvikufambire zvakanaka, ukwanise kundotora nyika yakanaka yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru ako, 19nokukudzingira vavengi vako sokuvimbisa kwaakaita.
20“Panguva ichauya kana mwana wako ozokubvunza achiti, ‘Ko zvakambouya seiko kuti tive nechitenderano nemitemo nemirao yamakapiwa naTenzi Mwari wenyu?’ 21Ipapo uchamutaurira kuti, ‘Taiva varanda vaFarao muIjipiti ndokubva Tenzi atiburitsa muIjipiti nesimba guru, 22Tenzi, akaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvairwadza vaIjipiti naFarao nemhuri yake yose tichizviona. 23Akatiburitsamo kuti atiunze nokutipa nyika yaakatsidzira madzibaba edu. 24Saka Tenzi akatiudza kuchengeta mirao iyoyi yose, nokuremekedza Tenzi Mwari wedu kuti zvitinakire nguva dzose, uye kuti atichengete tiri vapenyu sezvatiri iye nhasi uno. 25Kwatiri isu ndohuchava ururami kana tikanyatsochengeta mitemo iyoyi yose pana Tenzi Mwari wedu sokutiudza kwaakaita.’
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 6: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.