Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 2:1-7

Kutsinhira Mutemo 2:1-7 SCLB

“Takazosimudzira rwendo rwedu topinda murenje. Takapinda munzira yokuGungwa Dzvuku sokuudzwa kwandakaitwa naTenzi. Takadzengerera tiri mumakomo eSeiri kwamazuva mazhinji. Tenzi akanditi, ‘Kudzengerera kwamaita munyika ino yamakomo kwakwana. Chinangai nechokuchamhembe. Udzai vanhu kuti iye zvino izvi mava kupfuura nomunyika yehama dzenyu vana vaEsau vagere munyika yeSeiri. Vachakuzezai, saka itai makachenjera. Musadenhana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavo, kwete, kunyange kanzvimbo kanokwana kutsika rutsoka zvarwo nokuti ndakapa gomo reSeiri kuna Esau senhaka yake. Zvokudya zvenyu muchatoita zvokutotenga nemari kwavari kana mvura yenyu yokunwa muchatoita zvokutenga nemari kwavari.’ “Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu akakukomborerai pane zvose zvamakaita namaoko enyu. Akakuchengetai pamaidzungaira muzigwenga guru iri. Kwamakore makumi mana aya Tenzi Mwari wenyu akanga achingova nemi. Hapana chamakashaya.