Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 2:1-7

Dhuteronomi 2:1-7 SNA2002

“Zvino takadzoka, tikafamba tichipinda murenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakaudzwa naJehovha, tikapota-pota gomo reSeiri mazuva mazhinji. “Zvino Jehovha akataura neni, akati, ‘Mapota-pota gomo iri nguva yaringana; dzokai muende nechokumusoro.’ Raira vanhu, uti, ‘Munofanira kupfuura nomunyika yehama dzenyu, vana Esau, vagere Seiri; ivo vachakutyai, saka chenjerai. Musavavamba, nokuti handingakupiyi nyika yavo, kunyange pangatsikwa norutsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri, rive rake. Munofanira kutenga zvokudya kwavari nemari, mudye, nemvura munofanira kuitengawo kwavari, munwe. “ ‘Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.’