Dhuteronomi 2:1-7
Dhuteronomi 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino takadzoka tikafamba takananga kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha. Kwenguva yakareba takafamba nenzira yaipoterera nenyika yamakomo yeSeiri. Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Mafamba nenzira yokupoterera nyika iyi yamakomo kwenguva yakakwana, zvino chidzokai muende nechokumusoro. Rayira vanhu uti, ‘Mava pedyo kuti mupfuure nomunyika yehama dzenyu zvizvarwa zvaEsau, vagere paSeiri. Ivo vachakutyai, asi muchenjere kwazvo. Musavatanga kuti murwe, handingakupei chikamu chipi zvacho chenyika yavo, kunyange pangakwana kuisa rutsoka rwenyu. Ndakapa Esau nyika yamakomo yeSeiri kuti ive yake. Munofanira kuvaripa nesirivha zvokudya zvamuchadya nemvura yamuchanwa.’ ” Jehovha Mwari wenyu akakuropafadzai pamabasa ose amaoko enyu. Akakutarirai parwendo rwenyu murenje iri guru. Jehovha Mwari wenyu akava nemi, makore makumi mana aya, uye hapana chinhu chamakashayiwa.
Dhuteronomi 2:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino takadzoka, tikafamba tichipinda murenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakaudzwa naJehovha, tikapota-pota gomo reSeiri mazuva mazhinji. “Zvino Jehovha akataura neni, akati, ‘Mapota-pota gomo iri nguva yaringana; dzokai muende nechokumusoro.’ Raira vanhu, uti, ‘Munofanira kupfuura nomunyika yehama dzenyu, vana Esau, vagere Seiri; ivo vachakutyai, saka chenjerai. Musavavamba, nokuti handingakupiyi nyika yavo, kunyange pangatsikwa norutsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri, rive rake. Munofanira kutenga zvokudya kwavari nemari, mudye, nemvura munofanira kuitengawo kwavari, munwe. “ ‘Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.’
Dhuteronomi 2:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Takazosimudzira rwendo rwedu topinda murenje. Takapinda munzira yokuGungwa Dzvuku sokuudzwa kwandakaitwa naTenzi. Takadzengerera tiri mumakomo eSeiri kwamazuva mazhinji. Tenzi akanditi, ‘Kudzengerera kwamaita munyika ino yamakomo kwakwana. Chinangai nechokuchamhembe. Udzai vanhu kuti iye zvino izvi mava kupfuura nomunyika yehama dzenyu vana vaEsau vagere munyika yeSeiri. Vachakuzezai, saka itai makachenjera. Musadenhana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavo, kwete, kunyange kanzvimbo kanokwana kutsika rutsoka zvarwo nokuti ndakapa gomo reSeiri kuna Esau senhaka yake. Zvokudya zvenyu muchatoita zvokutotenga nemari kwavari kana mvura yenyu yokunwa muchatoita zvokutenga nemari kwavari.’ “Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu akakukomborerai pane zvose zvamakaita namaoko enyu. Akakuchengetai pamaidzungaira muzigwenga guru iri. Kwamakore makumi mana aya Tenzi Mwari wenyu akanga achingova nemi. Hapana chamakashaya.
Dhuteronomi 2:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino takadzoka, tikafamba ticipinda murenje nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku, seɀandakaʋudzwa naJehova, tikapota‐pota gomo reSeiri mazuʋa mazhinji. Ɀino Jehova akataura neni, akati: Mapota‐pota gomo iri ŋguʋa yariŋgana; dzokai muende necokumsoro. Raira ʋanhu, uti: Munofanira kupfuʋura nomunyika yehama dzenyu, ʋana ʋaEsau, ʋagere Seiri; iʋo ʋacakutyai, saka cenjerai. Musaʋaʋamba, nokuti handiŋgakupiyi nyika yaʋo, kunyaŋge paŋgatsikwa norutsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri, riʋe rake. Munofanira kuteŋga ɀokudya kwaʋari nemari, mudye, nemvura munofanira kuiteŋga ʋo kwaʋari, munwe. Nokuti Jehova Mŋari wako wakakuropafadza pamaɓasa ose amaʋoko ako; iye unoziʋa kufamba kwako murenje iri guru. Jehova Mŋari wako wakaʋa newe makore awa makumi manna; haunakushaiwa cinhu.
Dhuteronomi 2:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)