Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 2

2
Makore atakagara mugwenga
1“Takazosimudzira rwendo rwedu topinda murenje. Takapinda munzira yokuGungwa Dzvuku sokuudzwa kwandakaitwa naTenzi. Takadzengerera tiri mumakomo eSeiri kwamazuva mazhinji. 2Tenzi akanditi, 3‘Kudzengerera kwamaita munyika ino yamakomo kwakwana. Chinangai nechokuchamhembe. 4Udzai vanhu kuti iye zvino izvi mava kupfuura nomunyika yehama dzenyu vana vaEsau vagere munyika yeSeiri. Vachakuzezai, saka itai makachenjera. 5Musadenhana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavo, kwete, kunyange kanzvimbo kanokwana kutsika rutsoka zvarwo nokuti ndakapa gomo reSeiri kuna Esau senhaka yake. 6Zvokudya zvenyu muchatoita zvokutotenga nemari kwavari kana mvura yenyu yokunwa muchatoita zvokutenga nemari kwavari.’
7“Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu akakukomborerai pane zvose zvamakaita namaoko enyu. Akakuchengetai pamaidzungaira muzigwenga guru iri. Kwamakore makumi mana aya Tenzi Mwari wenyu akanga achingova nemi. Hapana chamakashaya.
8“Takazobva paiva nehama dzedu vana vaEsau vaigara munyika yeSeiri panzira yeArabha kuErati pakadziva kuEzionigebheru. Takazonanga nenzira yokurenje reMoabhu. 9Tenzi akanditi, ‘Musambonetsa vaMoabhu, kana kurwisana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavo kuti ive nhaka yenyu nokuti ndakapa guta reAru kuvana vaRoti kuti ive nhaka yavo.’ ” 10(Kare rudzi rwavaEmimu ndirwo rwaigaramo. Vaiva rudzi rukuru, rune vanhu vakawanda, vakareba sehofori dzerudzi rwavaAnakimu. 11SevaAnakimu ivo vainziwo vaRefaimu asi vaMoabhu vaivatumidza kuti vaEmimu. 12Kareko vaHori vaigara kuSeiri. Asi vana vaEsau vakavatorera nyika yavo vakavaparadza ndokubva vagaramo ivo sezvakaitwa navaIsiraeri munyika yavakapiwa naTenzi kuti ive nhaka yavo).
13“Takazonzi chisumukai muyambuke karukova Zeredhi, tikayambuka. 14Kwakapera makore makumi matatu namasere kubvira musi watakabva paKadheshibharinea kusvikira musi watakayambuka Zeredhi, kudzamara chizvarwa chose chavarume vose vaikwanisa kuenda kuhondo chapera kufa vasisimo mumatendhe sokupikirwa kwavakaitwa naTenzi. 15Tenzi nesimba rake akaramba achingovapedza nokufa kudzamara vose vapera.
16“Kuzoti varume vaya vezero raikwanisa kuenda kuhondo vapera kufa pakati pevaIsiraeri, 17Tenzi akanditi, 18‘Nhasi uno munofanira kudimura muganho weMoabhu paAru. 19Mukange masvika munyika yavaAmoni musambovanetsa kana kudenhana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavaAmoni kuti ive nhaka yenyu nokuti ndakaipa vana vaRoti kuti ive yavo.’ ”
20(Nyika iyoyo inonziwo nyika yavaRefaimu. VaRefaimu ndivo vaimbogaramo kare, asi vaAmoni vaivatumidza kuti maZamuzumimu. 21Vakanga vari rudzi rukuru rune vanhu vakawanda, vakareba sehofori dzorudzi rwavaAnakimu. Asi Tenzi akavaparadza, vaAmoni ndokutora nyika iyoyo ndokubva vazogara panzvimbo pavo. 22Tenzi ndizvo zvaakanga aitirawo vana vaEsau vagere munyika yeSeiri. Akaparadza vaHori, ivo ndokuvatorera nyika yavo ndokubva vagaramo. Vachiri kugaramo nanhasi. 23Ndizvo zvakaitwawo nevaKafutorimu vanobva kuKafutori, vakaparadza vaAvhimu vaiva nemisha yavo yaisvika kuguta reGaza, ndokubva vagaramo ivo).
24“Takazonzi chisumudzirai rwendo rwenyu muyambuke Arinoni. Onai ndaisa Sihoni muAmori mambo weHeshibhoni nenyika yake mumaoko enyu. Mudenhei mumurwise muchitanga kumutorera nyika yake. 25Kubvira nhasi uno ndichaita kuti marudzi ose apanyika avhunduke akutyei. Vose vachazonzwa nezvenyu vachadedera vachikutyai.
VaIsiraeri vanokunda mambo Sihoni muhondo
(Kuve 21:21–30)
26“Ndakatuma nhume kuna Sihoni mambo weHeshibhoni tiri kurenje reKedhemoti namashoko orugare okuti, 27‘Tibvumireiwo kuti tipfuure nomunyika menyu. Tichangoramba takati tande nenzira chete. Hatimbotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe. 28Zvokudya zvedu tichatoita zvokutenga nemari kwamuri, kana mvura yokuti tinwe tichatoita yokutenga nemari kwamuri. Tibvumireiwo kutsika nomunyika menyu 29sezvatakaitirwa navana vaEsau vagere kuSeiri, nevaMoabhu vagere kuAru kusvikira tayambuka Jorodhani tichindopinda munyika yatinopiwa naTenzi Mwari wedu.’
30“Asi Sihoni mambo weHeshibhoni akatirambidza kutsika nomo nokuti Tenzi Mwari wedu akamusindimadza akamuomesa mwoyo wake kuti amuise mumaoko enyu sezvaari nhasi.
31“Tenzi akati kwandiri, ‘Chionai, ndava kuisa Sihoni nenyika yake mumaoko enyu. Chitangai kutora nyika yake muiite yenyu.’ 32Ipapo Sihoni akativinga nevanhu vake vose vakatirwisa paJahazi. 33Asi Tenzi Mwari wedu akamuisa mumaoko edu tikamukurira navanakomana vake navanhu vake vose. 34Takatora maguta ake ose panguva iyoyo tikanyatsoparadza maguta ose navarume navakadzi navapwere. Hakuna kunyange nomumwe wavo watakasiya ari mupenyu. 35Mombe chete ndidzo dzatakatora sechinhu chedu isu chokupamba nezvinhuwo zvokuzogovana zvomumaguta atakatora. 36Kubvira kuguta reAroero riri nechokumucheto webani reArinoni neguta riri munyasi morukova imomo kundosvika kuGireadhi, kwakanga kusina maguta akanga ane tsvingo dzakareba zvokuti taitadza kukwira. Tenzi Mwari wedu akaaisa ose mumaoko medu. 37Asi hatina kuenda kunyika yavaAmoni, kana kumapani aJabhoku kana kumaguta enyika yamakomo, kana kuenda kune dzimwe nzvimbo kwatakarambidzwa naTenzi Mwari wedu.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 2: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda