Deuteronomio 2
2
1Ɀino takadzoka, tikafamba ticipinda murenje nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku, seɀandakaʋudzwa naJehova, tikapota‐pota gomo reSeiri mazuʋa mazhinji. 2Ɀino Jehova akataura neni, akati: 3Mapota‐pota gomo iri ŋguʋa yariŋgana; dzokai muende necokumsoro. 4Raira ʋanhu, uti: Munofanira kupfuʋura nomunyika yehama dzenyu, ʋana ʋaEsau, ʋagere Seiri; iʋo ʋacakutyai, saka cenjerai. 5Musaʋaʋamba, nokuti handiŋgakupiyi nyika yaʋo, kunyaŋge paŋgatsikwa norutsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri, riʋe rake. 6Munofanira kuteŋga ɀokudya kwaʋari nemari, mudye, nemvura munofanira kuiteŋga ʋo kwaʋari, munwe. 7Nokuti Jehova Mŋari wako wakakuropafadza pamaɓasa ose amaʋoko ako; iye unoziʋa kufamba kwako murenje iri guru. Jehova Mŋari wako wakaʋa newe makore awa makumi manna; haunakushaiwa cinhu. 8Naiɀoɀo takapfuʋura hama dzeɗu, ʋana ʋaEsau, ʋagere Seiri, tikasiya nzira yokuMupata, inobva Erati napaEzioni‐geberi.
Tikadzoka, tikapfuʋura nenzira yokurenje rokwaMoabi. 9Ɀino Jehova akati kwandiri: Usarwa naʋaMoabi, kana kuʋaʋamba pakurwa; nokuti handiŋgakupi nyika yaʋo, iʋe yako; nokuti ndakapa Ari ʋana ʋaRoti, iʋe yaʋo. 10(Kare ʋaEmi ʋakaŋga ʋagere’mo, ʋaiʋa ʋanhu ʋakuru, ʋazhinji, ʋarefu, saʋaAnaki; 11ʋanonzi ʋorudzi rwaʋaRefaimi, saʋaAnaki, asi ʋaMoabi ʋanoʋaidza ʋaEmi. 12NaʋaHori ʋo ʋakaŋga ʋagere Seiri kare; asi ʋana ʋaEsau ʋakaʋateʋera, ʋakaʋaparadza pamberi paʋo, ʋakagara panɀimbo yaʋo; seɀakaita ʋaIsraeri nenyika yaʋo yaʋakapiwa naJehova iʋe yaʋo.) 13Ɀino simukai, muyambuke rukoʋa Zeredi. Tikayambuka rukoʋa Zeredi. 14Ɀino mazuʋa okubva kweɗu paKadeshi‐barnea kuȿikira tayambuka rukoʋa Zeredi, aiʋa makore makumi matatu namasere; kuȿikira rudzi rwose rwaʋarume ʋehondo ʋaparadzwa pakati pemisasa, seɀaʋakaŋga ʋapikirwa naJehova. 15Ʋuye ruʋoko rwaJehova ʋo rwairamba rucirwa naʋo, kuti ʋaparadzwe pakati pemisasa kuȿikira ʋapera.
16Ɀino ʋarume ʋose ʋehondo ʋakati ʋapera nokufa pakati paʋanhu, 17Jehova akataura neni, akati: 18Nhasi unofanira kupfuʋura napaAri, pamuganho waMoabi; 19kana wosweɗera pakatarisana naʋana ʋaAmoni, usarwa naʋo, kana kuʋaʋamba; nokuti handiŋgakupi nyika yaʋana ʋaAmoni, iʋe yako; nokuti ndakaipa ʋana ʋaRoti, iʋe yaʋo. 20(Naiyo ʋo yainzi inyika yaʋaRefaimi; ʋaRefaimi ʋakaŋga ʋagere’mo kare; asi ʋaAmoni ʋaiʋaidza ʋaZamzumi; 21ʋaiʋa ʋanhu ʋakuru, ʋazhinji, ʋarefu saʋaAnaki; asi Jehova wakaʋaparadza pamberi paʋo, ʋakaʋateʋera, ʋakagara panɀimbo yaʋo; 22seɀaakaita naʋana ʋaEsau, ʋanogara Seiri, ŋguʋa yaakaparadza ʋaHori pamberi paʋo, iʋo ʋakaʋateʋera, ʋakagara panɀimbo yaʋo kuȿikira nhasi; 23ʋaAvi, ʋakaŋga ʋagere mumisha kuȿikira Gaza, ʋakaparadzwa naʋaKaftori, ʋakabva Kaftori, ʋakagara panɀimbo yaʋo) 24Simukai, mufambe, muyambuke rwizi Arnoni; tarirai, ndakaisa mumaʋoko enyu Sihoni muAmori, mambo weHeshboni, nenyika yake; taŋgai kuitora, muʋambe kurwa naye. 25Nhasi ndicataŋga kuvundusa nokutyisa ndudzi dziri pasi peɗeŋga rose pamsoro penyu, iʋo ʋacanzwa guhu pamsoro penyu, ʋacabvunda nokutya kwaɀo pamsoro penyu.
26Ɀino ndakatuma nhume tiri murenje reKedemoti, kunaSihoni, mambo weHeshboni, namashoko orugare, ndiciti: 27Nditendere kupfuʋura nomunyika yako, ndicafamba nenzira huru, handiŋgatsaukiri kurudyi kana kuruɓoshwe. 28Muŋganditeŋgesera ɀokudya nemari, ndidye; muŋgandipa mvura ndiciripa nemari, ndinwe, asi nditendere henyu kupfuʋura namakumbo; 29seɀandakaitirwa naʋana ʋaEsau ʋagere Seiri, naʋaMoabi, ʋagere Ari; kuȿikira ndayambuka Joridani, ndikapinda munyika yatinopiwa naJehova Mŋari weɗu. 30Asi Sihoni, mambo weHeshboni, wakaramba kutitendera kupfuʋura nokwaari, nokuti Jehova Mŋari wako wakawomesa mŋeya wake, akarambidza mŋoyo wake, kuti amuise iye muruʋoko rwako, seɀaɀakaita nhasi. 31Ɀino Jehova akati kwandiri: Tarira, ndataŋga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri; taŋga kutora, kuti nyika iʋe yako. 32Ipapo Sihoni akaʋuya, iye naʋanhu ʋake ʋose kuzorwa nesu paJahazi. 33Jehova Mŋari weɗu akamuisa mumaʋoko eɗu, tikamukunda, iye naʋana ʋake, naʋanhu ʋake ʋose. 34Neŋguʋa iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza cose maguta ose aiʋa naʋanhu, pamŋe cete naʋakadzi naʋana ʋaɗuku, hatina‐kusiya kunyaŋge nomumŋe. 35Asi ɀipfuwo ɀoga takaɀitora ɀiʋe ɀeɗu ɀatakatapa, pamŋe cete neɀatakapamba pamaguta atakakunda. 36Kubva paAroeri pamuʋuyo worwizi Arnoni, nokuguta riri parwizi, kuȿikira Gireadi, kwakaŋga kusineguta rakatikurira; Jehova Mŋari weɗu wakaaisa ose pamaʋoko eɗu; 37asi hamuna‐kusweɗera kunyika yaʋana ʋaAmoni; kurutiʋi rwose rworwizi Jaboki, namaguta enyika yamakomo, napose patakaŋga tadziʋiswa naJehova Mŋari weɗu.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018