Deuteronomio 3
3
1Ɀino takadzoka, tikakwira nenzira inoenda Bashani; Ogi, mambo weBashani, akaɓuɗa, iye naʋanhu ʋake ʋose, kuzorwa nesu paEdrei. 2Jehova akati kwandiri: Usamutya, nokuti ndakamuisa paruʋoko rwako, iye naʋanhu ʋake ʋose, nenyika yake; unofanira kuita naye seɀawakaitira Sihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga agere Heshboni. 3Naiɀoɀo Jehova Mŋari weɗu wakaisa mumaʋoko eɗu naiye Ogi ʋo, mambo weBashani, naʋanhu ʋake ʋose; tikamukunda kuȿikira asinomunhu waakasiyirwa. 4Neŋguʋa iyo tikakunda maguta ake ose; kwakaŋga kusineguta rimŋe ratisina‐kumutorera, maguta anamakumi matanhatu, nenyika yose yeArgobi, noʋushe bgaOgi muBashani. 5Iwo akaŋga ari maguta akapoteredzwa ose namaȿiŋgo marefu, namasuʋo, namazariro, kunze kwemisha mizhinji‐zhinji yakaŋga isinamaȿiŋgo. 6Tikaaparadza cose, seɀatakaitira Sihoni, mambo weHeshboni, tikaparadza cose maguta ose akaŋga anaʋanhu, pamŋe cete naʋakadzi naʋana ʋaɗuku. 7Asi ɀipfuwo ɀose, neɀakapambga pamaguta awo, iɀo takaɀitapa isu. 8Neŋguʋa iyo takatorera madzimambo maʋiri aʋaAmori, ʋakaŋga ʋagere mhiri kwaJoridani, nyika yaʋo kubva parwizi Arnoni, kuȿikira pagomo reHermoni; 9(Hermoni rinotumidzwa Sirioni naʋaSidoni, asi ʋaAmori ʋanoritumidza Seniri;) 10maguta ose eɓani, neGireadi rose, neBashani rose, kuȿikira paSareka neEdrei, iwo maguta oʋushe bgaOgi muBashani. 11(Nokuti Ogi, mambo weBashani, ndiye woga wakaŋga asara kunaʋakaŋga ʋasara ʋaʋaRefaimi; mubeda wake wakaŋga uri wamatare; ko hauzi paRaba raʋana ʋaAmoni here? Kureɓa kwawo kwakaŋga kuciȿika pamakubiti#3:11 Kubiti rimŋe kubva pagokora kuȿikira paminwe. mapfumbamŋe, noʋupamhi bgawo pamakubiti manna, kana ɀicienzaniswa nekubiti romunhu.) 12Nyika iyi takaitora neŋguʋa iyo, ikaʋa yeɗu; ndikapa ʋaRubeni naʋaGadi nyika inobva paAroeri, parwizi Arnoni, nehafu yenyika yamakomo yeGireadi, namaguta ayo; 13ndikapa hafu yorudzi rwaManase pakaŋga pasara paGireadi, neBashani rose, ʋushe bgaOgi, nenyika yose yeArgobi, ndiro Bashani rose. (Ndiyo inonzi nyika yaʋaRefaimi. 14Jairi, mŋanakomana waManase, akatora nyika yose yeArgobi, kuȿikira pamuganho waʋaGeshuri naʋaMaakati, akaitumidza, iro Bashani rose, zita rake, Havoti‐jairi, kuȿikira nhasi.) 15Ndikapa Makiri Gireadi. 16Asi ʋaRubeni naʋaGadi ndakaʋapa kubva paGireadi kuȿikira parwizi Arnoni, ʋuye pakati pomupata nenyika yawo, kuȿikira parwizi Jaboki, ndiyo nyika yaʋana ʋaAmoni. 17Ʋuye noMupata, neJoridani, nenyika inobva paKinereti, kuȿikira kuguŋgwa roMupata, ndiro Guŋgwa roMunyu, pajiŋga pegomo rePisga, kumabvazuʋa.
18Neŋguʋa iyo ndakakurairai, ndikati: Jehova Mŋari wenyu wakakupai nyika iyo kuti iʋe yenyu; ɀino munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu, ʋana ʋaIsraeri, makashoŋga nhumbi dzokurwa, imi ʋarume ʋose mhare. 19Asi ʋakadzi ʋenyu, naʋana ʋenyu ʋaɗuku, neɀipfuwo ɀenyu (ndinoziʋa kuti muneɀipfuwo ɀizhinji), iɀo ɀinofanira kusara mumaguta andakakupai; 20kuȿikira Jehova apa hama dzenyu zororo semi, kuti naiʋo ʋaʋe nenyika yaʋanopiwa naJehova Mŋari wenyu mhiri kwaJoridani; ipapo muŋgadzokera mumŋe nomumŋe kunhaka yake, yandakakupai. 21Neŋguʋa iyo ndikaraira ʋo Joshua, ndikati: Meso ako akaʋona ɀose ɀakaitirwa madzimambo awa maʋiri naJehova Mŋari wenyu; saiɀoɀo Jehova ucaitira ʋushe bgose kwamunoyambuka. 22Hamufaniri kuʋatya, nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiye unokurwirai.
23Neŋguʋa iyo ndikanyeŋgetera kunaJehova, ndikati: 24Imi Jehova Mŋari, makataŋga kuratidza muranda wenyu ʋukuru bgenyu, noruʋoko rwenyu runesimba; nokuti ndoupiko mŋari kuɗeŋga kana panyika uŋgaita ɀakafanana namaɓasa enyu, nesimba renyu? 25Ƌonditenderai henyu kuyambuka, ndiʋone nyika yakanaka iri mhiri kwaJoridani, negomo iro rakanaka, neRebanoni. 26Asi Jehova wakanditsamŋira nokuɗa kwenyu, akasandinzwa; Jehova akati kwandiri: Ɀariŋgana! cirega kuzotaura ɀe neni pamsoro peshoko iro. 27Kwira pamsoro‐soro pePisga, utarire kumaʋirazuʋa, nokumsoro, nezasi, nokumabvazuʋa, uʋone nameso ako; nokuti hauŋgayambuki Joridani urwu. 28Asi raira Joshua, umutse mŋoyo wake nokumusimbisa, nokuti iye ucayambuka pamberi paʋanhu aʋa, iye ucaʋagarisa nhaka yenyika yaucaʋona. 29Ɀino tikagara pamupata wakatarisana neBeti‐peori.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018