“Panguva iyoyo Tenzi akanditi, ‘Veza mafendefa maviri amabwe akafanana naaye okutanga ukwire nawo muno mugomo kwandiri ugadzire bhokisi ramapuranga. Pamafendefa iwayo ndichanyora zvakanga zvakanyorwa pamafendefa okutanga awakaputsa, ugozoaisa mubhokisi rechitenderano.’ “Naizvozvo ndakagadzira bhokisi racho, ramapuranga omuunga. Ndakavezawo mafendefa maviri amabwe akafanana naaye okutanga, ndokukwira nawo mugomo ndakaabata mumaoko. Sapakutanga, Tenzi akanyora pamafendefa iwayo mitemo gumi yamakanga mataurirwa naTenzi ari pagomo paya paya, ari mukati memoto pazuva riya riya romusangano, Tenzi ndokuapa kwandiri. Ndakatendeuka ndokuburuka mugomo. Sokuudzwa kwandakanga ndaitwa, ndakaisa mafendefa aye mubhokisi riya randakanga ndagadzira, arimo nanhasi uno.” VaIsiraeri vakabva pamatsime avanhu vokwaJaakani ndokundosvika kuMosera. Ndiko kwakafira Aroni akavigwa ikoko, ndokubva Ereazari mwanakomana wake ava mupristi panzvimbo yababa vake. Vakasimudzira rwendo rwavo vakaenda kuGudhigodha. Vakazobva paGudhigodha, vakandosvika kuJotibhata nyika yetukova twemvura. Panguva iyoyo Tenzi akatsaura dzinza raRevhi kuti rive rokutakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, nokumushandira nokukomborera vanhu muzita rake kusvikira nhasi uno. Ndokusaka vedzinza raRevhi vasina kupiwa chikamu chenyika kana nhakawo yavo sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naTenzi Mwari wavo. “Sapakutanga paya ndakagara mugomo siku nesikati kwamazuva makumi mana. Tenzi akandinzwawo panguva iyoyo, ndokubva arega kukuparadzai. Tenzi akanditi chienda utungamirire vanhu kuti vandopinda vatore nyika yandakatsidzira kupa madzitateguru avo.” “Zvino nhai Isiraeri, Tenzi anoda kuti uiteiko? Anoda kuti utye Tenzi Mwari wako, ufambe nomunzira dzake dzose, umude. Ushandire Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose. Uteerere mitemo yaTenzi, nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno, kuti zvikunakirei. Chinzwa, denga kusvikira kwose kwarinoperera chaiko, nenyika nezvose zvirimo, ndezvaTenzi Mwari wako. Asi Tenzi Mwari wako akafadzwa namadzitateguru ako, akavada. Akazosarudza imi vana vavo mukati memarudzi ose avanhu sezvazviri nhasi uno.
Verenga chikamu Kutsinhira Mutemo 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kutsinhira Mutemo 10:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo