Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 10:1-15

Dhuteronomi 10:1-15 SNA2002

“Nenguva iyo Jehovha akati kwandiri, ‘Uzvivezere mahwendefa maviri amabwe, akafanana nookutanga, ukwire kwandiri kugomo, ugozviitira areka yamatanda. Ini ndichanyora pamahwendefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa, ugoaisa muareka.’ “Naizvozvo ndikaita areka yamatanda omuakasia, ndikaveza mahwendefa maviri amabwe, akanga akaita sookutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri muruoko rwangu. Akanyora pamahwendefa zvakafanana norunyoro rwokutanga, aya mashoko ane gumi, amakaudzwa naJehovha pagomo, ari pakati pomoto, nezuva reungano; Jehovha akandipa iwo. Zvino ndikadzoka, ndikaburuka pagomo, ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndaita; ndipo paachiri zvino, sezvandakarairwa naJehovha. “(Vana vaIsiraeri vakasimuka paBheeroti Bhenejaakani, vakaenda Mosera; ndipo pakafira Aroni, napaakavigwa; Ereazari, mwanakomana wake, akabata upristi panzvimbo yake. Vakasimukapo, vakaenda Gudhogodha; vakasimuka paGudhogodha vakasvika Jotibhata, panyika yakanga ine hova dzemvura. Nguva iyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi, kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, nokumira pamberi paJehovha vachimushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake, kusvikira nhasi. Naizvozvo vaRevhi havano mugove kana nhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo, sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.) “Ini ndikagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, sapakutanga; Jehovha akandinzwa nenguva iyowo; Jehovha akasakuparadza. Jehovha akati kwandiri, ‘Simuka, utungamirire vanhu, vapinde, vatore nyika, yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo.’ “Zvino, Isiraeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose, nokuchengeta mirairo yaJehovha, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi kuti ufare zvakanaka. Tarira, denga nedenga ramatenga, nenyika nezvose zviri mukati mayo, ndezvaJehovha Mwari wako. Asi Jehovha wakafarira madzibaba ako, akavada, akatsaura vana vavo vanovatevera, iyemi, kupfuura ndudzi dzose, sezvaunoona nhasi.