Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 10:1-15

Dhuteronomi 10:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, “Veza mahwendefa maviri amabwe akaita saaya okutanga ugouya kwandiri pagomo. Ugadzirewo zvakare areka yomuti. Ndichanyora pamahwendefa mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga awakaputsa. Zvino unofanira kuaisa muareka.” Saka ndakagadzira areka ndichishandisa muti womuunga uye ndikaveza mahwendefa maviri amabwe akanga akaita seokutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri aya mumaoko angu. Jehovha akanyora pamahwendefa aya zvakafanana nezvaakanga anyora pakutanga, Mirayiro Gumi yaakanga akuudzai pagomo, ari mumoto, pazuva reungano. Uye Jehovha akaipa kwandiri. Ipapo ndakadzoka ndikaburuka pagomo ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndagadzira, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha, uye ndimo maari nazvino. (VaIsraeri vakasimuka vakabva pamatsime avaJaakani vakaenda kuMosera. Ipapo ndipo pakafira Aroni akavigwa, uye Ereazari mwanakomana wake akatora chinzvimbo chake somuprista. Vakasimukapo vakaenda kuGudhugodha vakapfuurira kuenda kuJotibhata, nyika ine hova dzemvura. Panguva iyoyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, kuti vamire pamberi paJehovha vachishumira, uye kuti varopafadze vanhu muzita raJehovha, sezvavanoita nanhasi. Ndokusaka vaRevhi vasina mugove wenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.) Zvino ini ndakanga ndagara pagomo mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, sezvandakaita pakutanga, uye Jehovha akandinzwa panguva iyoyo zvakare. Kwakanga kusiri kuda kwake kuti akuparadzei. Jehovha akati kwandiri, “Enda, utungamirire vanhu panzira yavo, kuitira kuti vapinde uye vatore nyika yandakapikira madzibaba avo kuti ndichavapa.” Zvino, iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, umude, uye ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose, uye uchengete mirayiro yaJehovha nemitemo yake yandinokupai nhasi kuti zvikunakire? Denga, kunyange nedenga ramatenga, nenyika nezvose zviri mairi ndezvaJehovha Mwari wako. Kunyange zvakadaro Jehovha akafarira madzitateguru enyu akavada uye akakutsaurai, imi zvizvarwa zvavo, pamusoro pedzimwe ndudzi dzose sezvazviri nhasi.

Dhuteronomi 10:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Nenguva iyo Jehovha akati kwandiri, ‘Uzvivezere mahwendefa maviri amabwe, akafanana nookutanga, ukwire kwandiri kugomo, ugozviitira areka yamatanda. Ini ndichanyora pamahwendefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa, ugoaisa muareka.’ “Naizvozvo ndikaita areka yamatanda omuakasia, ndikaveza mahwendefa maviri amabwe, akanga akaita sookutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri muruoko rwangu. Akanyora pamahwendefa zvakafanana norunyoro rwokutanga, aya mashoko ane gumi, amakaudzwa naJehovha pagomo, ari pakati pomoto, nezuva reungano; Jehovha akandipa iwo. Zvino ndikadzoka, ndikaburuka pagomo, ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndaita; ndipo paachiri zvino, sezvandakarairwa naJehovha. “(Vana vaIsiraeri vakasimuka paBheeroti Bhenejaakani, vakaenda Mosera; ndipo pakafira Aroni, napaakavigwa; Ereazari, mwanakomana wake, akabata upristi panzvimbo yake. Vakasimukapo, vakaenda Gudhogodha; vakasimuka paGudhogodha vakasvika Jotibhata, panyika yakanga ine hova dzemvura. Nguva iyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi, kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, nokumira pamberi paJehovha vachimushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake, kusvikira nhasi. Naizvozvo vaRevhi havano mugove kana nhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo, sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.) “Ini ndikagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, sapakutanga; Jehovha akandinzwa nenguva iyowo; Jehovha akasakuparadza. Jehovha akati kwandiri, ‘Simuka, utungamirire vanhu, vapinde, vatore nyika, yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo.’ “Zvino, Isiraeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose, nokuchengeta mirairo yaJehovha, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi kuti ufare zvakanaka. Tarira, denga nedenga ramatenga, nenyika nezvose zviri mukati mayo, ndezvaJehovha Mwari wako. Asi Jehovha wakafarira madzibaba ako, akavada, akatsaura vana vavo vanovatevera, iyemi, kupfuura ndudzi dzose, sezvaunoona nhasi.

Dhuteronomi 10:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Panguva iyoyo Tenzi akanditi, ‘Veza mafendefa maviri amabwe akafanana naaye okutanga ukwire nawo muno mugomo kwandiri ugadzire bhokisi ramapuranga. Pamafendefa iwayo ndichanyora zvakanga zvakanyorwa pamafendefa okutanga awakaputsa, ugozoaisa mubhokisi rechitenderano.’ “Naizvozvo ndakagadzira bhokisi racho, ramapuranga omuunga. Ndakavezawo mafendefa maviri amabwe akafanana naaye okutanga, ndokukwira nawo mugomo ndakaabata mumaoko. Sapakutanga, Tenzi akanyora pamafendefa iwayo mitemo gumi yamakanga mataurirwa naTenzi ari pagomo paya paya, ari mukati memoto pazuva riya riya romusangano, Tenzi ndokuapa kwandiri. Ndakatendeuka ndokuburuka mugomo. Sokuudzwa kwandakanga ndaitwa, ndakaisa mafendefa aye mubhokisi riya randakanga ndagadzira, arimo nanhasi uno.” VaIsiraeri vakabva pamatsime avanhu vokwaJaakani ndokundosvika kuMosera. Ndiko kwakafira Aroni akavigwa ikoko, ndokubva Ereazari mwanakomana wake ava mupristi panzvimbo yababa vake. Vakasimudzira rwendo rwavo vakaenda kuGudhigodha. Vakazobva paGudhigodha, vakandosvika kuJotibhata nyika yetukova twemvura. Panguva iyoyo Tenzi akatsaura dzinza raRevhi kuti rive rokutakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, nokumushandira nokukomborera vanhu muzita rake kusvikira nhasi uno. Ndokusaka vedzinza raRevhi vasina kupiwa chikamu chenyika kana nhakawo yavo sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naTenzi Mwari wavo. “Sapakutanga paya ndakagara mugomo siku nesikati kwamazuva makumi mana. Tenzi akandinzwawo panguva iyoyo, ndokubva arega kukuparadzai. Tenzi akanditi chienda utungamirire vanhu kuti vandopinda vatore nyika yandakatsidzira kupa madzitateguru avo.” “Zvino nhai Isiraeri, Tenzi anoda kuti uiteiko? Anoda kuti utye Tenzi Mwari wako, ufambe nomunzira dzake dzose, umude. Ushandire Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose. Uteerere mitemo yaTenzi, nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno, kuti zvikunakirei. Chinzwa, denga kusvikira kwose kwarinoperera chaiko, nenyika nezvose zvirimo, ndezvaTenzi Mwari wako. Asi Tenzi Mwari wako akafadzwa namadzitateguru ako, akavada. Akazosarudza imi vana vavo mukati memarudzi ose avanhu sezvazviri nhasi uno.

Dhuteronomi 10:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Neŋguʋa iyo Jehova akati kwandiri: Uɀiʋezere mahwendefa maʋiri amabge, akafanana nookutaŋga, ukwire kwandiri kugomo, ugoɀiitira areka yamatanda. Ini ndicanyora pamahwendefa mashoko aya akaŋga ari pamahwendefa okutaŋga, awakaputsa, ugoaisa muareka. Naiɀoɀo ndikaita areka yamatanda omuakasia, ndikaʋeza mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga akaita sookutaŋga, ndikakwira mugomo ndakaɓata mahwendefa maʋiri muruʋoko rwaŋgu. Akanyora pamahwendefa ɀakafanana norunyoro rwokutaŋga, aya mashoko anegumi, amakaʋudzwa naJehova pagomo, ari pakati pomŋoto, nezuʋa reʋuŋgano; Jehova akandipa iwo. Ɀino ndikadzoka, ndikaɓuruka pagomo, ndikaisa mahwendefa muareka yandakaŋga ndaita; ndipo paaciri ɀino, seɀandakarairwa naJehova. (Ʋana ʋaIsraeri ʋakasimuka paBeeroti Benejaakani, ʋakaenda Mosera; ndipo pakafira Aroni, napaakaʋigwa; Ereazari, mŋanakomana wake, akaɓata ʋuprista panɀimbo yake. Ʋakasimuka’po, ʋakaenda Gudgoda; ʋakasimuka paGudgoda ʋakaȿika Jotbata, panyika yakaŋga inehoʋa dzemvura. Ŋguʋa iyo Jehova akatsaura rudzi rwaʋaRevi, kuti ʋatakure areka yesuŋgano yaJehova, nokumira pamberi paJehova ʋacimushumira, nokuropafadza ʋanhu nezita rake, kuȿikira nhasi. Naiɀoɀo ʋaRevi haʋanomugoʋe kana nhaka pakati pehama dzaʋo; Jehova ndiye nhaka yaʋo, seɀaʋakaʋudzwa naJehova Mŋari wenyu.) Ini ndikagara mugomo mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna, sapakutaŋga; Jehova akandinzwa neŋguʋa iyo ʋo; Jehova akasakuparadza. Jehova akati kwandiri: Simuka, utuŋgamirire ʋanhu, ʋapinde, ʋatore nyika, yandakapikira madziɓaɓa aʋo, kuti ndicaʋapa iyo. Ɀino, Israeri, Jehova Mŋari wako unotȿakeiko kwauri, asi kuti utye Jehova Mŋari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuɗa, nokushumira Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose ʋuye nomŋeya wako wose, nokuceŋgeta mirairo yaJehova, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi kuti ufare ɀakanaka. Tarira, ɗeŋga neɗeŋga ramateŋga, nenyika neɀose ɀiri mukati mayo, ndeɀaJehova Mŋari wako. Asi Jehova wakafarira madziɓaɓa ako, akaʋaɗa, akatsaura ʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera, iyemi, kupfuʋura ndudzi dzose, seɀaunoʋona nhasi.

Dhuteronomi 10:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)