Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 10

10
1Neŋguʋa iyo Jehova akati kwandiri: Uɀiʋezere mahwendefa maʋiri amabge, akafanana nookutaŋga, ukwire kwandiri kugomo, ugoɀiitira areka yamatanda. 2Ini ndicanyora pamahwendefa mashoko aya akaŋga ari pamahwendefa okutaŋga, awakaputsa, ugoaisa muareka. 3Naiɀoɀo ndikaita areka yamatanda omuakasia, ndikaʋeza mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga akaita sookutaŋga, ndikakwira mugomo ndakaɓata mahwendefa maʋiri muruʋoko rwaŋgu. 4Akanyora pamahwendefa ɀakafanana norunyoro rwokutaŋga, aya mashoko anegumi, amakaʋudzwa naJehova pagomo, ari pakati pomŋoto, nezuʋa reʋuŋgano; Jehova akandipa iwo. 5Ɀino ndikadzoka, ndikaɓuruka pagomo, ndikaisa mahwendefa muareka yandakaŋga ndaita; ndipo paaciri ɀino, seɀandakarairwa naJehova. 6(Ʋana ʋaIsraeri ʋakasimuka paBeeroti Benejaakani, ʋakaenda Mosera; ndipo pakafira Aroni, napaakaʋigwa; Ereazari, mŋanakomana wake, akaɓata ʋuprista panɀimbo yake. 7Ʋakasimuka’po, ʋakaenda Gudgoda; ʋakasimuka paGudgoda ʋakaȿika Jotbata, panyika yakaŋga inehoʋa dzemvura. 8Ŋguʋa iyo Jehova akatsaura rudzi rwaʋaRevi, kuti ʋatakure areka yesuŋgano yaJehova, nokumira pamberi paJehova ʋacimushumira, nokuropafadza ʋanhu nezita rake, kuȿikira nhasi. 9Naiɀoɀo ʋaRevi haʋanomugoʋe kana nhaka pakati pehama dzaʋo; Jehova ndiye nhaka yaʋo, seɀaʋakaʋudzwa naJehova Mŋari wenyu.) 10Ini ndikagara mugomo mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna, sapakutaŋga; Jehova akandinzwa neŋguʋa iyo ʋo; Jehova akasakuparadza. 11Jehova akati kwandiri: Simuka, utuŋgamirire ʋanhu, ʋapinde, ʋatore nyika, yandakapikira madziɓaɓa aʋo, kuti ndicaʋapa iyo.
12Ɀino, Israeri, Jehova Mŋari wako unotȿakeiko kwauri, asi kuti utye Jehova Mŋari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuɗa, nokushumira Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose ʋuye nomŋeya wako wose, 13nokuceŋgeta mirairo yaJehova, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi kuti ufare ɀakanaka. 14Tarira, ɗeŋga neɗeŋga ramateŋga, nenyika neɀose ɀiri mukati mayo, ndeɀaJehova Mŋari wako. 15Asi Jehova wakafarira madziɓaɓa ako, akaʋaɗa, akatsaura ʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera, iyemi, kupfuʋura ndudzi dzose, seɀaunoʋona nhasi. 16Naiɀoɀo dziŋgisai mŋoyo yenyu, murege kuʋa nemitsipa mikukutu. 17Nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiMŋari waʋamŋari, naShe wamadzishe, Mŋari mukuru, unotyisa, usiŋgatsauri ʋanhu, kana kugamucira muɓayiro. 18Iye unoruramisira nherera necirikadzi, unoɗa mutorwa, acimupa ɀokudya neŋguʋo. 19Naiɀoɀo munofanira kuɗa mutorwa, nokuti imi makaŋga muri ʋatorwa panyika yeEgipita. 20Unofanira kutya Jehova Mŋari wako; unofanira kumushumira iye, nokumunamatira, nokupika nezita rake. 21Ndiye waunofanira kurumbidza, ndiye Mŋari wako, wakakuitira ɀinhu iɀi ɀikuru ɀinotyisa, ɀawakaʋona nameso ako. 22Madziɓaɓa ako akaɓurukira Egipita ʋari ʋanhu ʋanamakumi manomŋe; ɀino Jehova Mŋari wako wakakuwanza senyeredzi dzokuɗeŋga.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 10: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda