Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 11

11
1Naiɀoɀo unofanira kuɗa Jehova Mŋari wako, nokuceŋgeta ŋguʋa dzose murairo wake, neɀaakatema, neɀaakatoŋga, neɀaakaraira. 2Ziʋai nhasi — nokuti handitauri naʋana ʋenyu ʋasina‐kuziʋa, ʋasina‐kuʋona kuraŋga kwaJehova Mŋari wenyu — ʋukuru bgake, necanza cake cinesimba, noruʋoko rwake rwakatambanudzwa, 3neɀiratidzo ɀake, namaɓasa ake, aakaitira Farao, mambo weEgipita, pakati peEgipita nenyika yake yose; 4neɀaakaitira hondo yeEgipita, namabiza aʋo, neŋgoro dzaʋo; kuti wakaʋafukidza nemvura yeGuŋgwa Dɀuku, ŋguʋa yaʋakakuteʋererai, Jehova akaʋaparadza kuȿikira nhasi; 5nezaakakuitirai murenje, kudzimana makaȿika panɀimbo ino; 6neɀaakaitira Datani naAbirami, ʋanakomana ʋaEriabi, mŋanakomana waRubeni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo naʋedzimba dzaʋo, namatente aʋo, neɀipenyu ɀaʋo ɀose ɀakaŋga ɀiciʋateʋera, pakati paʋaIsraeri ʋose. 7Asi meso enyu akaʋona maɓasa ose makuru aJehova aakaita. 8Naiɀoɀo munofanira kuceŋgeta murairo wose wandinokuraira nhasi, kuti musimbe, mupinde, mutore nyika iyo kwamunoyambuka kundoiita yenyu; 9kuti mazuʋa enyu awedzerwe panyika, yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova, kuti ucaipa iʋo naʋana ʋaʋo, nyika moyerera mukaka noʋuci. 10Nokuti nyika kwaunoenda kundoiita yako, haina‐kufanana nenyika yeEgipita, kwamakaɓuɗa, kwawaidɀara mbeu dzako, ucidziɗiridza namakumbo ako, somunda wemiriʋo; 11asi nyika kwamunoyambuka, kundoiita yenyu, inyika yamakomo nemipata, inonwa mvura yokuɗeŋga; 12inyika inoceŋgetwa naJehova Mŋari wako; meso aJehova Mŋari wako anoramba aciitarira, kubva pakutaŋga kwegore kuȿikira pakupedzisira kwegore.
13Ɀino kana mukaterera ɀakanaka mirairo yaŋgu, yandinokuraira nhasi, mukaɗa Jehova Mŋari wenyu nokumushumira nomŋoyo wenyu wose ʋuye nomŋeya wenyu wose, 14ndicapa nyika yenyu mvura paŋguʋa yayo, mvura yokutaŋga nemvura yokuteʋerera, kuti ugone kukohwa ɀiyo ɀako, newaini yako, namafuta ako. 15Ndicameresa ʋuswa bgeŋombe dzako pamafuro ako, udye, ugute. 16Cenjerai kuti mŋoyo yenyu irege kunyeŋgerwa, murege kutsauka, mukashumira ʋamŋe ʋamŋari, nokunamata kwaʋari; 17kuti Jehova arege kukutsamŋirai, akapfiga kuɗeŋga, kuti mvura irege kunaya nenyika irege kuɓereka ɀiɓereko ɀayo; imi mukakurumidza kuparadzwa panyika yakanaka yamunopiwa naJehova. 18Naiɀoɀo munofanira kuceŋgeta mashoko aŋgu awa mumŋoyo yenyu nomumŋeya yenyu; munofanira kuasuŋgira pamaʋoko enyu, ciʋe ciratidzo, ʋuye anofanira kuʋa rundanyara pakati pameso enyu. 19Ʋuye munofanira kuadzidzisa ʋana ʋenyu, mucitaurirana pamsoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana ucifamba panzira, kana uciʋata pasi, ʋuye kana ucimuka; 20unofanira kuanyora pamagwatidziro emikoʋa yeimba yako, napamasuʋo ako; 21kuti mazuʋa enyu awedzerwe, namazuʋa aʋana ʋenyu, panyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova kuti ucaʋapa iyo, aite samazuʋa okuɗeŋga pamsoro penyika. 22Nokuti kana mukaceŋgeta ɀakanaka murairo uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukaɗa Jehova Mŋari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira; 23Jehova ucadziŋga ndudzi idzi dzose pamberi penyu, imi mucaɓata ndudzi dzinokupfuʋurai noʋukuru nesimba, dziʋe dzenyu. 24Nɀimbo ipi neipi inotsikwa netsoka dzenyu icaʋa yenyu, nenyika yenyu icabva parenje, neRebanoni, kubva parwizi, rwizi Ufratesi, kuȿikira kuguŋgwa rokumaʋirazuʋa. 25Hakunomunhu uŋgagona kumira pamberi penyu; Jehova Mŋari wenyu ucatyisa nokuvundusa nyika yose pamsoro penyu, nyika iyo yamucazotsika pamsoro payo, seɀaakataura kwamuri.
26Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa; 27kuropafadzwa, kana mukaterera mirairo yaJehova Mŋari wenyu, yandinokurairai nhasi; 28nokutukwa, kana musiŋgatereri mirairo yaJehova Mŋari wenyu, asi mucitsauka panzira yandinokurairai nhasi, mukateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋamusina‐kuziʋa.
29Ɀino kana Jehova Mŋari wako akupinza panyika, kwamunoenda, kundoiita yako, unofanira kuisa kuropafadzwa pagomo reGerizimi, nokutukwa pagomo reEbari. 30Ko makomo awo haazi mhiri kwaJoridani, mberi kwenzira yokumaʋirira ezuʋa, munyika yaʋaKanani, ʋagere paMupata, pakatarisana neGirgari, pamiouki yeMore here? 31Nokuti munofanira kuyambuka Joridani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu; icaʋa yenyu, mugare’mo. 32Cenjerai kuti muite ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa ɀose, ɀandinoisa pamberi penyu nhasi.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 11: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda