Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 10

10
Mosesi anopiwa mitemo gumi patsva
(Kub 34:1–10)
1“Panguva iyoyo Tenzi akanditi, ‘Veza mafendefa maviri amabwe akafanana naaye okutanga ukwire nawo muno mugomo kwandiri ugadzire bhokisi ramapuranga. 2Pamafendefa iwayo ndichanyora zvakanga zvakanyorwa pamafendefa okutanga awakaputsa, ugozoaisa mubhokisi rechitenderano.’
3“Naizvozvo ndakagadzira bhokisi racho, ramapuranga omuunga. Ndakavezawo mafendefa maviri amabwe akafanana naaye okutanga, ndokukwira nawo mugomo ndakaabata mumaoko. 4Sapakutanga, Tenzi akanyora pamafendefa iwayo mitemo gumi yamakanga mataurirwa naTenzi ari pagomo paya paya, ari mukati memoto pazuva riya riya romusangano, Tenzi ndokuapa kwandiri. 5Ndakatendeuka ndokuburuka mugomo. Sokuudzwa kwandakanga ndaitwa, ndakaisa mafendefa aye mubhokisi riya randakanga ndagadzira, arimo nanhasi uno.”
6VaIsiraeri vakabva pamatsime avanhu vokwaJaakani ndokundosvika kuMosera. Ndiko kwakafira Aroni akavigwa ikoko, ndokubva Ereazari mwanakomana wake ava mupristi panzvimbo yababa vake. 7Vakasimudzira rwendo rwavo vakaenda kuGudhigodha. Vakazobva paGudhigodha, vakandosvika kuJotibhata nyika yetukova twemvura. 8Panguva iyoyo Tenzi akatsaura dzinza raRevhi kuti rive rokutakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, nokumushandira nokukomborera vanhu muzita rake kusvikira nhasi uno. 9Ndokusaka vedzinza raRevhi vasina kupiwa chikamu chenyika kana nhakawo yavo sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naTenzi Mwari wavo.
10“Sapakutanga paya ndakagara mugomo siku nesikati kwamazuva makumi mana. Tenzi akandinzwawo panguva iyoyo, ndokubva arega kukuparadzai. 11Tenzi akanditi chienda utungamirire vanhu kuti vandopinda vatore nyika yandakatsidzira kupa madzitateguru avo.”
Zvinodiwa naMwari kuti munhu aite
12“Zvino nhai Isiraeri, Tenzi anoda kuti uiteiko? Anoda kuti utye Tenzi Mwari wako, ufambe nomunzira dzake dzose, umude. Ushandire Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose. 13Uteerere mitemo yaTenzi, nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno, kuti zvikunakirei. 14Chinzwa, denga kusvikira kwose kwarinoperera chaiko, nenyika nezvose zvirimo, ndezvaTenzi Mwari wako. 15Asi Tenzi Mwari wako akafadzwa namadzitateguru ako, akavada. Akazosarudza imi vana vavo mukati memarudzi ose avanhu sezvazviri nhasi uno. 16Saka chibvisai mumwoyo menyu zvose zvoumhandupandu izvi, mukande pasi zvose zvoundambakuudzwa, 17nokuti Tenzi Mwari wenyu,
“NdiMwari wavamwari,
ndiMambo wamadzimambo,
mukuru ane simba.
NdiMwari anotyisa
asina rusaruro,
anosema zvepfumbamuromo.
18Nherera nechirikadzi
anoona kuti dzaitirwa zvine ruenzaniso.
Mutorwa anomuda anomupawo zvokudya nezvokupfeka.
19“Naizvozvo imi idai mutorwa nokuti makambovawo vatorwa muIjipiti.
20“Itya Tenzi Mwari wako umushandire,
urambe wakati kwati kwati naye,
upike nezita rake.
21Ndiye waunofanira kurumbidza,
ndiye Mwari wako
akakuitira zvinhu
zvikuru zvinokatyamadza
zvawakaona iwe nameso ako.
22“Madzitateguru ako akaenda kuIjipiti vari makumi manomwe avanhu. Asi zvino Tenzi Mwari wako akakuitai kuti muwande senyenyedzi dzedenga.”

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 10: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda