Kutsinhira Mutemo 9
9
Kusateerera kwavanhu
1“Teerera unzwe iwe Isiraeri; wava kuzoyambuka Jorodhani nhasi uno, uchindotorera ndudzi huru dzakasimba kupfuura iwe, nyika dzadzo dzina maguta makuru akakomberedzwa nenhungamakore dzetsvingo. 2Vanhu voko ihofori dzakareba dzorudzi rwevaAnaki vamunoziva, vane mbiri yamakanzwa yokunzi, ‘Ndiani angamirisane navaAnaki?’ 3Asi chiziva nhasi uno kuti Tenzi Mwari wako ndiye anokutungamirira somoto unororomesa. Achavaparadza achavaisa pasi pako zvokuti uchavadzinga uchibva wavaparadza nokukasika, sokutaurirwa kwawakaitwa naTenzi.
4“Kana Tenzi Mwari wako akudzingira vanhu ivavo, usazofunga mumwoyo mako woti, ‘Tenzi akandiunza munyika ino kuti ndiitore ive yangu nokuda kwokururama kwemwoyo wangu.’ Asi kutoti Tenzi Mwari wako ari kuvadzinga nokuda kwekuipa kwavo. 5Hausi kuzondotora nyika yavo uchiita yako pamusana pokururama kwako kana kunaka kwemwoyo wako. Asi Tenzi Mwari wako ari kudzingamo ndudzi idzodzo pamusana pohuipi hwadzo nokuchengeta shoko raakatsidzira madzitateguru ako vana Abhurahamu naIsaki naJakobho. 6Saka zvizive kuti Tenzi Mwari wako haasi kuzokupa nyika iyi yakanaka nokuda kwekururama kwako nokuti uri rudzi rwetsvuuramuromo.
7“Yeuka urege kukanganwa kushatirisa kwawakaita Tenzi Mwari wako murenje, kubvira musi wawabuda muIjipiti kusvikira pano, waigara wakapikisana naTenzi. 8Kunyange paGomo reHorebhu#9:8 Gomo reHorebhu: iGomo reSinai. wakashatirisa Tenzi, Tenzi akaratidza kushatirwa kwake akada kukuparadza. 9Zviya zvandakakwira mugomo kundopiwa mafendefa amabwe, mafendefa echitenderano chandakatemerana nemi, ndakagara mugomo imomo siku nesikati kwamazuva makumi mana. Handina kuisa chinhu kumuromo kana kunwa mvura zvayo. 10Tenzi ndipo paakandipa mafendefa maviri amabwe akanga akanyorwa noruoko rwake iye Mwari. Pakanga pakanyorwa mitemo yose yakanga yataurwa naTenzi kwamuri pagomo riya, yaakataura ari mukati memoto, pazuva riya romusangano. 11Mazuva makumi mana akati apera ndiriko, siku nesikati, Tenzi akandipa mafendefa maviri amabwe, mafendefa echitenderano.
12“Tenzi akanditi, ‘Sumuka ubve pano, ukurumidze kuburuka nokuti vanhu vako vawakaburitsa muIjipiti vaita zvakaipa. Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaudza. Vazviumbira chifananidzo choutare hwakanyungurutswa.’
13“Tenzi akataurazve kwandiri achiti, ‘Ndazviona kuti vanhu ava zvechokwadi itsvuuramuromo dzavanhu. 14Chirega ndivaparadze, nditsakatise zita ravo panyika, ndimutse mauri rudzi rukuru rwakasimba kupinda ivo.’
15“Ndopandakazotendeuka ndoburuka mugomo imomo, iro gomo richinganduma moto, ndakabata mafendefa maviri echitenderano mumaoko. 16Ndakatarisa ndikaona kuti makanga matadzira Tenzi Mwari wenyu. Makanga mazviumbira chimhuru. Makanga matotsauka kare panzira yamakaudzwa naTenzi. 17Naizvozvo ndakatora mafendefa andakanga ndakabata mumaoko, ndikaapwanyira pasi muchiona. 18Ndakazoti pasi zvambarara pana Tenzi siku nesikati kwamazuva makumi mana, handina kumboisa chinhu kumuromo kana kunwa mvura zvayo sezvandakamboita pamusana pezvitadzo zvenyu zvamakapara muchiita zvakaipa pana Tenzi zvokumushatirisa, 19nokuti kukutsamwirai kwakaita Tenzi nokushatirwa kwaakakuitirai panguva iyoyo oda kukuparadzai, kwakandityisa. Asi panguva iyoyowo Tenzi akandinzwa. 20Tenzi akashatirirwa Aroni zvikuru zvokuda kumuparadza. Asi panguva iyoyo ndakanamatira Aroni. 21Ndakatora chitadzo chacho, chimhuru chacho ichocho chawakanga waumba, ndikachipisa nomoto, ndikachipwanya-pwanya ndikachikuya kusvikira chaita mupfumbwe. Ndakarasira mupfumbwe wacho mukakova kaibva mugomo imomo.
22“Makashatirisa Tenzi zvakare paTabhera napaMasa nepaKibhurotihataavha. 23Tenzi paakakutumai kubva kuKadheshibharinea achiti, ‘Chiendai mundotora nyika yandakakupai kuti ive yenyu,’ imi makasindimara, mukaramba zvakanga zvataurwa naTenzi Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye, kana kuteerera zvaakareva. 24Kubvira musi wandakakuzivai, makagara makapandukira Tenzi.
25“Saka ndakazvambarara pana Tenzi siku nesikati kwamazuva makumi mana nokuti Tenzi akanga afunga zvokukuparadzai. 26Ipapo ndakanamata kuna Tenzi ndichiti, ‘Regai kuparadza nhaka yenyu, vanhu vamakanunura noukuru hwenyu. Makavaburitsa muIjipiti nesimba renyu guru. 27Rangarirai varanda venyu VaAbhurahamu naIsaki naJakobho. Musaite hanya noumhandupandu hwavanhu ava, kana huipi hwavo, kana nechitadzo chavo,’ 28nokuti vokunyika kwamakatibvisa vangati, ‘Tenzi akavaburitsa kuti andovaurayira kurenje nokuti akakundikana kuvaendesa kunyika yaakavavimbisa uye aivavenga.’ 29Vanhu ava inhaka yenyu, vanhu venyu vamakaburitsa noukuru hwenyu nesimba renyu guru.
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 9: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.