Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 11

11
Ukuru hwaTenzi
1“Naizvozvo ida Tenzi, Mwari wako, uteerere zvaakatema, uteerere zvirevo zvake, nemitemo yake, nemirao yake misi yose. 2Nhasi uno, (sezvandisiri kutaura kuvana venyu vasingazvizivi vasina kumbozviona;) imimi munoziva kukudzidzisai kwakaita Tenzi Mwari wenyu, munozivawo ukuru hwake nesimba rake, 3nezviratidzo zvake, nezvaakaita muIjipiti kuna Farao mambo weIjipiti, nokunyika yake yose; 4nezvaakaita kuhondo yeIjipiti, nokumabhiza avo nengoro dzavo, nokuyeredza kwaakaita hondo yaikuteverai nemvura yeGungwa Dzvuku, namaparadziro avakaitwa naTenzi kusvikira pari nhasi. 5Munozivawo zvaakakuitirai murenje musati masvika pano, 6nezviya zvakaitwa pakati pavaIsiraeri kuna Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu, wedzinza raRubheni. Munozivawo mubamukiro wakaita nyika, ikashama muromo wayo, ikavamedza ivo nemhuri dzavo, namatendhe avo, nezvipfuwo zvavo zvose zvavaiva nazvo. 7Imi makazvionera nameso enyu basa guru rose rakaitwa naTenzi.
Makomborero omunyika yavakatsidzirwa
8“Teererai mitemo yose yandiri kukupai nhasi uno kuti muwane simba mupinde mundotora nyika yamava kuyambukira kwairi kuti muiite yenyu, 9uye ndokuti murarame kwenguva ndefu munyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru enyu navana vavo, nyika yakanaka yomukaka nouchi. 10Ndinodaro nokuti nyika yauri kuenda kundotora haina kufanana nenyika yeIjipiti kwamakabva, kwete, kwamaidyara mbeu muchiita zvokudiridza namaoko sebindu romuriwo. 11Asi nyika yamava kuyambukira kundotora kuita yenyu, inyika yezvikomo namapani, inonyoroveswa nemvura inoita zvokunaya mudenga, 12inyika inonyatsochengetwa naTenzi, ziso rake haribvi pairi kubvira pakutanga kwegore kusvikira pakupera kwaro.
13“Kana machengeta mitemo yandiri kukupai nhasi uno, mukada Tenzi Mwari wenyu, nokumushandira nomwoyo wose, nomweya wenyu wose, 14achakunayisirai mvura yomunhuruka neyematsutso nemwaka wayo chaiwo munyika yenyu, kuti unyatsokohwa mbesanwa dzako, newaini yako namafuta. 15Achameresa uswa mumafuro ezvipfuwo zvako. Uchawana zvokudya zvakakwana. 16Chenjerera kuti ungadaro ukazozvifurira mumwoyo mako, wozvirasisa nzira yako, woshandira vamwe vamwari, wovanamata. 17Ukadaro unozvinyandurira hasha dzaTenzi, achapfiga matenga, mvura yorega kunaya, nyika yoshaya kana chainobereka, mobva maparadzwa pasina nenguva yose munyika yakanaka yamunopiwa naTenzi.
18“Naizvozvo pfundirai mazwi angu aya, mumwoyo menyu nomumweya wenyu, muasungirire paruoko rwenyu chive chiratidzo, muasungirirewo pahuma dzenyu netsungare. 19Adzidzisei vana venyu. Taura nezvawo ugere mumba yako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge uvete, napaunomuka. 20Anyore pamagwatidziro epamba yako napamisuo yako mikuru, 21kuitira kuti imi navana venyu murarame mazuva akawanda munyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru enyu nokusingaperi.
22“Mukanyatsoteerera mitemo yose iyi yandiri kukupai, mukaichengeta, mukada Tenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake, nokuramba makangoti kwati kwati naye, 23Tenzi achakudzingirai ndudzi dzose idzi munyika dzadzo kuti imi muzotonga ndudzi huru dzakasimba kupinda imi. 24Pose pachatsika rutsoka rwenyu pachava penyu. Muganho wenyu uchabvira kurenje kundosvika kuGomo reRebhanoni, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi kundosvika kugungwa rokumadokero. 25Hapana achagona kumirisana nemi, Tenzi achapa kuti kwose kwamuchasvika vanhu voko vachadedera nokukutyai sokutaura kwaakaita.
26“Teerera unzwe, nhasi uno ndakuisira zvokusarudza, chikomborero kana rushambwa. 27Unowana chikomborero kana ukateerera mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno. 28Asi unowana rushambwa kana ukasateerera mitemo yaTenzi Mwari wako wotsauka panzira yandiri kukuudza nhasi uno, wotevera vamwe vamwari vausina kumboziva. 29Kana Tenzi Mwari wako azokusvitsa munyika yawava kundoita yako, unofanira kupa chikomborero uri paGomo reGerizimu, worengerera uchishurikidza rushambwa uri paGomo reEbhari.”
30Inga wani makomo iwayo ari munyika yevaKanani vanogara kuArabha, kwakatarisana neGirigari, kumhiri kwaJorodhani kumadokero munyasi momuti womuoku weMore.
31“Zvino mava kuyambuka Jorodhani, kundotora nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu, kana maitora maiita yenyu magara mairi, 32chenjererai kuchengeta mirao nezvirevo zvose zvandiri kuisa pamberi penyu nhasi uno.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 11: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda