Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 10:1-15

Deuteronomio 10:1-15 SUB1949

Neŋguʋa iyo Jehova akati kwandiri: Uɀiʋezere mahwendefa maʋiri amabge, akafanana nookutaŋga, ukwire kwandiri kugomo, ugoɀiitira areka yamatanda. Ini ndicanyora pamahwendefa mashoko aya akaŋga ari pamahwendefa okutaŋga, awakaputsa, ugoaisa muareka. Naiɀoɀo ndikaita areka yamatanda omuakasia, ndikaʋeza mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga akaita sookutaŋga, ndikakwira mugomo ndakaɓata mahwendefa maʋiri muruʋoko rwaŋgu. Akanyora pamahwendefa ɀakafanana norunyoro rwokutaŋga, aya mashoko anegumi, amakaʋudzwa naJehova pagomo, ari pakati pomŋoto, nezuʋa reʋuŋgano; Jehova akandipa iwo. Ɀino ndikadzoka, ndikaɓuruka pagomo, ndikaisa mahwendefa muareka yandakaŋga ndaita; ndipo paaciri ɀino, seɀandakarairwa naJehova. (Ʋana ʋaIsraeri ʋakasimuka paBeeroti Benejaakani, ʋakaenda Mosera; ndipo pakafira Aroni, napaakaʋigwa; Ereazari, mŋanakomana wake, akaɓata ʋuprista panɀimbo yake. Ʋakasimuka’po, ʋakaenda Gudgoda; ʋakasimuka paGudgoda ʋakaȿika Jotbata, panyika yakaŋga inehoʋa dzemvura. Ŋguʋa iyo Jehova akatsaura rudzi rwaʋaRevi, kuti ʋatakure areka yesuŋgano yaJehova, nokumira pamberi paJehova ʋacimushumira, nokuropafadza ʋanhu nezita rake, kuȿikira nhasi. Naiɀoɀo ʋaRevi haʋanomugoʋe kana nhaka pakati pehama dzaʋo; Jehova ndiye nhaka yaʋo, seɀaʋakaʋudzwa naJehova Mŋari wenyu.) Ini ndikagara mugomo mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna, sapakutaŋga; Jehova akandinzwa neŋguʋa iyo ʋo; Jehova akasakuparadza. Jehova akati kwandiri: Simuka, utuŋgamirire ʋanhu, ʋapinde, ʋatore nyika, yandakapikira madziɓaɓa aʋo, kuti ndicaʋapa iyo. Ɀino, Israeri, Jehova Mŋari wako unotȿakeiko kwauri, asi kuti utye Jehova Mŋari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuɗa, nokushumira Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose ʋuye nomŋeya wako wose, nokuceŋgeta mirairo yaJehova, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi kuti ufare ɀakanaka. Tarira, ɗeŋga neɗeŋga ramateŋga, nenyika neɀose ɀiri mukati mayo, ndeɀaJehova Mŋari wako. Asi Jehova wakafarira madziɓaɓa ako, akaʋaɗa, akatsaura ʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera, iyemi, kupfuʋura ndudzi dzose, seɀaunoʋona nhasi.