Tenzi akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako mutsoka dzako nokuti nzvimbo yawakatsika inzvimbo inoera. Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo; zvino ndaburuka kuzovanunura. Saka zvino chiuya ndikutume kuIjipiti.’ Mosesi uya wavakaramba vachiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi?’ Murume iyeyo ndiye akatumwa naMwari samambo somununuri nesimba romutumwa akazviratidza mugwenzi. Akavaburitsa mushure mokunge aita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti nokuGungwa Dzvuku nomurenje kwamakore makumi mana. Ndiyeyu Mosesi wacho akati kuvaIsiraeri, ‘Mwari vachakumutsirai muporofita muhama dzenyu sokundimutsa kwaakaita. Iyeyu ndiye aiva negungano murenje nomutumwa akataura kwaari pagomo reSinai uye akataura namadzitateguru edu. Akagamuchira zvirevo zvipenyu zvokutipa.’ “Madzitateguru edu akaramba kumuteerera vakamusairira kwakadaro. Mwoyo yavo yakanga yadzokera kuIjipiti vachiti kuna Aroni tigadzirire vamwari vokutitungamirira. ZvaMosesiwo uyu akatiburitsa munyika yeIjipiti hatizivi zvakaitika kwaari. Pamazuva iwayo vakaumba mhuru vakapira chibayiro kuchiumbwa chokunamata vachipemberera zvakaitwa namaoko avo. Mwari akavafuratirawo ndokuvati chi mukunamata gurusvusvu romudenga sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ravaporofita zvichinzi: “ ‘Makambopira kwandiri here mhuka dzakauraiwa kana zvibayiro kwamakore makumi mana amaiva murenje nhaimi vaIsiraeri? Handiti makatakura tendhe raMoreki nenyenyedzi yamwari Refani, zvifananidzo zvamakaumba kuti munamate? Ndichakudzingirai kunyika iri mberi kweBhabhironi.’ “Madzibaba edu akanga ane tendhe rechipupuriro murenje raiva rakaita sezvakanga zvataurwa naMwari akataura kuna Mosesi kuti ariite maererano namamiriro aro aakanga amboona. Madzibaba eduwo akarigamuchira akauya naro pamwechete naJoshuwa pavakatorera nyika vechirudzi vaifanodzingirwa madzibaba edu naMwari. Vaiva naro kusvikira pamazuva aDhavhidhi akafadza Mwari. Dhavhidhi akazokumbira kuti atsvakire Mwari waJakobho pokugara. Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba. Asi wokumusorosoro haagari mudzimba dzakaitwa namaoko sokutaura komuporofita achiti, “ ‘Denga chigaro changu choumambo, nyika iri iyo chitambarariko chetsoka dzangu. Imba yorudzii yaungandivakire; ndizvo zvinotaura Tenzi. Ndeipi nzvimbo yandingazororere? Harusi ruoko rwangu here rwakaita zvose izvi? Imi vanhu vomusoro wakaoma, vanhu vomwoyo isinei naMwari, venzeve dzisingadi kunzwa zvaMwari, vanhu vokurwisana naMweya. Zvaiita madzibaba enyu ndizvowo zvamunongoita.’ “Muporofita upi asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya vaya vakafanotaura zvokuuya komururami wakamupandukira mukaponda. Imi makagamuchira mutemo sokupiwa kwawakaitwa navatumwa asi hamuna kuuchengeta.” Pavakanzwa zvinhu izvi vakashatirwa kwazvo vakamuchenamira mazino. Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa mudenga akaona mbiri yaMwari, Jesu amire kurudyi rwaMwari akati, “Tarirai muone, ndiri kuona denga rakazaruka Mwanakomana womunhu akamira kurudyi rwaMwari.” Asi vakazhamba nezwi repamusoro vakadzivirira nzeve vakamuti momote, ndokumuburitsa kunze kweguta vakamutaka namabwe. Zvapupu zviya zvakaisa magemenzi azvo patsoka dzerimwe jaya rainzi Sauro. Pavaimutaka namatombo Sitefani akanamata achiti, “Tenzi Jesu gamuchirai mweya wangu.” Akapfugama akadaidzira nezwi guru achiti, “Tenzi, musavape mhosva yechitadzo ichi.” Paakapedza kutaura akabva avata hope dzokupedzisira.
Verenga chikamu Mabasa 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 7:33-60
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo