Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 7:33-60

Mabasa 7:33-60 SNA2002

Ishe akati kwaari, ‘Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti apo paunomira ivhu dzvene. Ndakaona hangu kwazvo kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndakanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovarwira; zvino uya ndikutume Ijipiti.’ “Uyu Mosesi wavakaramba, vachiti, ‘Ndiani wakakuita mubati nomutongi?’ Ndiye akatumwa naMwari nomutumwa akaonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri. “Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nomuGungwa Dzvuku, nomurenje, makore ana makumi mana. Ndiyeye Mosesi akati kuvana vaIsiraeri, ‘Mwari achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni.’ Ndiyeye akanga ari kuungano murenje, anomutumwa akataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba eduwo, akagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa. “Ndiye, wavakanga vasingadi kumuteerera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemwoyo yavo. “Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, akatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika naye.’ Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakauya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amaoko avo. Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku yavaporofita, zvichinzi, ‘Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsiraeri here? Makatakura tabhenakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.’ “Madzibaba edu aiva netabhenakeri youchapupu murenje, yakanga yakavakwa sezvaakarayira iye, akataura naMosesi, achiti aiite nomufananidzo waakaona. Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedheni, vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDhavhidhi; iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara. Soromoni akamuvakira imba. “Asi Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa namaoko, sezvazvakarehwa nomuporofita, achiti, ‘Denga ndicho chigaro changu choushe, Nenyika chitsiko chetsoka dzangu; Muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi? Ko ruoko rwangu haruna kuita izvovi zvose here?’ “Imi vemitsipa mikukutu, musina kudzingiswa pamwoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemiwo. Ndoupiko pavaporofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya avo vaiparidza kuuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuuraya zvino. Iyemi, makapiwa murayiro sezvawakarayiwa navatumwa, mukasauchengeta.” Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugedagedera meno. Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari, akati, “Tarirai, ndinoona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” Zvino vakadanidzira nezwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwechete; vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro. Vakataka Sitefano, achidana achiti, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” Akapfugama, akadanidzira nezwi guru, achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati areva izvozvo, akabva afa.

Verenga chikamu Mabasa 7