Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 7:33-60

Mabasa 7:33-60 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Tenzi akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako mutsoka dzako nokuti nzvimbo yawakatsika inzvimbo inoera. Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo; zvino ndaburuka kuzovanunura. Saka zvino chiuya ndikutume kuIjipiti.’ Mosesi uya wavakaramba vachiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi?’ Murume iyeyo ndiye akatumwa naMwari samambo somununuri nesimba romutumwa akazviratidza mugwenzi. Akavaburitsa mushure mokunge aita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti nokuGungwa Dzvuku nomurenje kwamakore makumi mana. Ndiyeyu Mosesi wacho akati kuvaIsiraeri, ‘Mwari vachakumutsirai muporofita muhama dzenyu sokundimutsa kwaakaita. Iyeyu ndiye aiva negungano murenje nomutumwa akataura kwaari pagomo reSinai uye akataura namadzitateguru edu. Akagamuchira zvirevo zvipenyu zvokutipa.’ “Madzitateguru edu akaramba kumuteerera vakamusairira kwakadaro. Mwoyo yavo yakanga yadzokera kuIjipiti vachiti kuna Aroni tigadzirire vamwari vokutitungamirira. ZvaMosesiwo uyu akatiburitsa munyika yeIjipiti hatizivi zvakaitika kwaari. Pamazuva iwayo vakaumba mhuru vakapira chibayiro kuchiumbwa chokunamata vachipemberera zvakaitwa namaoko avo. Mwari akavafuratirawo ndokuvati chi mukunamata gurusvusvu romudenga sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ravaporofita zvichinzi: “ ‘Makambopira kwandiri here mhuka dzakauraiwa kana zvibayiro kwamakore makumi mana amaiva murenje nhaimi vaIsiraeri? Handiti makatakura tendhe raMoreki nenyenyedzi yamwari Refani, zvifananidzo zvamakaumba kuti munamate? Ndichakudzingirai kunyika iri mberi kweBhabhironi.’ “Madzibaba edu akanga ane tendhe rechipupuriro murenje raiva rakaita sezvakanga zvataurwa naMwari akataura kuna Mosesi kuti ariite maererano namamiriro aro aakanga amboona. Madzibaba eduwo akarigamuchira akauya naro pamwechete naJoshuwa pavakatorera nyika vechirudzi vaifanodzingirwa madzibaba edu naMwari. Vaiva naro kusvikira pamazuva aDhavhidhi akafadza Mwari. Dhavhidhi akazokumbira kuti atsvakire Mwari waJakobho pokugara. Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba. Asi wokumusorosoro haagari mudzimba dzakaitwa namaoko sokutaura komuporofita achiti, “ ‘Denga chigaro changu choumambo, nyika iri iyo chitambarariko chetsoka dzangu. Imba yorudzii yaungandivakire; ndizvo zvinotaura Tenzi. Ndeipi nzvimbo yandingazororere? Harusi ruoko rwangu here rwakaita zvose izvi? Imi vanhu vomusoro wakaoma, vanhu vomwoyo isinei naMwari, venzeve dzisingadi kunzwa zvaMwari, vanhu vokurwisana naMweya. Zvaiita madzibaba enyu ndizvowo zvamunongoita.’ “Muporofita upi asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya vaya vakafanotaura zvokuuya komururami wakamupandukira mukaponda. Imi makagamuchira mutemo sokupiwa kwawakaitwa navatumwa asi hamuna kuuchengeta.” Pavakanzwa zvinhu izvi vakashatirwa kwazvo vakamuchenamira mazino. Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa mudenga akaona mbiri yaMwari, Jesu amire kurudyi rwaMwari akati, “Tarirai muone, ndiri kuona denga rakazaruka Mwanakomana womunhu akamira kurudyi rwaMwari.” Asi vakazhamba nezwi repamusoro vakadzivirira nzeve vakamuti momote, ndokumuburitsa kunze kweguta vakamutaka namabwe. Zvapupu zviya zvakaisa magemenzi azvo patsoka dzerimwe jaya rainzi Sauro. Pavaimutaka namatombo Sitefani akanamata achiti, “Tenzi Jesu gamuchirai mweya wangu.” Akapfugama akadaidzira nezwi guru achiti, “Tenzi, musavape mhosva yechitadzo ichi.” Paakapedza kutaura akabva avata hope dzokupedzisira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 7

Mabasa 7:33-60 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Ipapo Jehovha akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako; nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene. Zvirokwazvo ndaona kudzvinyirirwa kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo, saka ndaburuka kuti ndizovasunungura. Zvino uya, ndinoda kukutuma udzokere kuIjipiti.’ “Ndiye Mozisi uya wavakanga varamba namashoko okuti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?’ Ndiye akatumwa naMwari pachake kuti ave mubati nomusununguri wavo, kubudikidza nomutumwa akazviratidza kwaari mugwenzi. Ndiye akavabudisa muIjipiti uye akaita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti, paGungwa Dzvuku uye kwamakore makumi mana murenje. “Ndiye Mozisi uya akaudza vaIsraeri kuti, ‘Mwari achakutumirai muprofita akaita seni anobva muvanhu venyu chaivo.’ Akanga ari muungano yaiva murenje, pamwe chete nomutumwa akataura kwaari paGomo reSinai, uye namadzibaba edu; uye akagamuchira mashoko mapenyu kuti azoasvitsa kwatiri. “Asi madzibaba edu akaramba kumuteerera. Vakamuramba uye mumwoyo yavo vakadzokerazve kuIjipiti. Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari Mozisi uyu akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakamuwira! Ndiyo nguva yavakaumba chifananidzo chakaita semhuru. Vakauya nezvibayiro kwachiri vakachipemberera vachikudza chinhu chakaitwa namaoko avo. Asi Mwari akavafuratira akavasiya kuti vanamate hondo dzokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku ravaprofita zvichinzi: “ ‘Makandivigira zvibayiro nezvipo makore makumi mana murenje here, imi imba yaIsraeri? Makatakura tabhenakeri yaMoreki nenyeredzi yamwari wenyu Refani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate. Naizvozvo ndichakuendesai kuutapwa’ mberi kweBhabhironi. “Madzitateguru edu akanga ane tabhenakeri yeChipupuriro pakati pavo murenje. Yakanga yakagadzirwa sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naMwari, maererano nomufananidzo waakanga aona. Vakagamuchira tabhenakeri, vachitungamirirwa naJoshua, madzibaba edu akauya pamwe chete nayo paya pavakatora nyika kubva kundudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naMwari. Tabhenakeri yakagara munyika iyo kusvikira panguva yaDhavhidhi, uyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara. Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba. “Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti: “ ‘Denga ndicho chigaro changu choushe uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu. Ko, muchandivakira imba yakaita sei? ndizvo zvinotaura Ishe. Kana kuti nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko? Ko, ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?’ “Imi vanhu vemitsipa mikukutu, vane mwoyo nenzeve dzisina kudzingiswa! Makangoita samadzibaba enyu: Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene! Kwakambova nomuprofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu here? Vakauraya kunyange vaya vakaprofita kuuya kwaIye Oga Akarurama. Uye zvino makamupandukira mukamuuraya, iyemi makagamuchira murayiro wamakapiwa kubudikidza navatumwa, asi mukasauteerera.” Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa zvikuru uye vakamurumanyira meno avo. Asi Sitefani, azere noMweya Mutsvene, akatarisa kudenga akaona kubwinya kwaMwari, uye Jesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari. Akati, “Tarirai, ndinoona denga razaruka uye Mwanakomana woMunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” Pavakanzwa izvi vakadzivira nzeve dzavo vakamhanyira kwaari vose, vachidanidzira namanzwi ari pamusoro-soro, vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta vakatanga kumutaka namabwe. Uye, vaya vaiva zvapupu vakandoisa nguo dzavo patsoka dzejaya rainzi Sauro. Vachiri kumutaka namabwe, Sitefani akanyengetera, akati, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” Ipapo akapfugama namabvi ake akadanidzira achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati ataura izvi, akavata.

Mabasa 7:33-60 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ishe akati kwaari, ‘Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti apo paunomira ivhu dzvene. Ndakaona hangu kwazvo kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndakanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovarwira; zvino uya ndikutume Ijipiti.’ “Uyu Mosesi wavakaramba, vachiti, ‘Ndiani wakakuita mubati nomutongi?’ Ndiye akatumwa naMwari nomutumwa akaonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri. “Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nomuGungwa Dzvuku, nomurenje, makore ana makumi mana. Ndiyeye Mosesi akati kuvana vaIsiraeri, ‘Mwari achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni.’ Ndiyeye akanga ari kuungano murenje, anomutumwa akataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba eduwo, akagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa. “Ndiye, wavakanga vasingadi kumuteerera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemwoyo yavo. “Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, akatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika naye.’ Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakauya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amaoko avo. Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku yavaporofita, zvichinzi, ‘Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsiraeri here? Makatakura tabhenakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.’ “Madzibaba edu aiva netabhenakeri youchapupu murenje, yakanga yakavakwa sezvaakarayira iye, akataura naMosesi, achiti aiite nomufananidzo waakaona. Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedheni, vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDhavhidhi; iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara. Soromoni akamuvakira imba. “Asi Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa namaoko, sezvazvakarehwa nomuporofita, achiti, ‘Denga ndicho chigaro changu choushe, Nenyika chitsiko chetsoka dzangu; Muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi? Ko ruoko rwangu haruna kuita izvovi zvose here?’ “Imi vemitsipa mikukutu, musina kudzingiswa pamwoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemiwo. Ndoupiko pavaporofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya avo vaiparidza kuuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuuraya zvino. Iyemi, makapiwa murayiro sezvawakarayiwa navatumwa, mukasauchengeta.” Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugedagedera meno. Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari, akati, “Tarirai, ndinoona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” Zvino vakadanidzira nezwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwechete; vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro. Vakataka Sitefano, achidana achiti, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” Akapfugama, akadanidzira nezwi guru, achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati areva izvozvo, akabva afa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 7

Mabasa 7:33-60 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako mutsoka dzako nokuti nzvimbo yawakatsika inzvimbo inoera. Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo; zvino ndaburuka kuzovanunura. Saka zvino chiuya ndikutume kuIjipiti.’ Mosesi uya wavakaramba vachiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi?’ Murume iyeyo ndiye akatumwa naMwari samambo somununuri nesimba romutumwa akazviratidza mugwenzi. Akavaburitsa mushure mokunge aita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti nokuGungwa Dzvuku nomurenje kwamakore makumi mana. Ndiyeyu Mosesi wacho akati kuvaIsiraeri, ‘Mwari vachakumutsirai muporofita muhama dzenyu sokundimutsa kwaakaita. Iyeyu ndiye aiva negungano murenje nomutumwa akataura kwaari pagomo reSinai uye akataura namadzitateguru edu. Akagamuchira zvirevo zvipenyu zvokutipa.’ “Madzitateguru edu akaramba kumuteerera vakamusairira kwakadaro. Mwoyo yavo yakanga yadzokera kuIjipiti vachiti kuna Aroni tigadzirire vamwari vokutitungamirira. ZvaMosesiwo uyu akatiburitsa munyika yeIjipiti hatizivi zvakaitika kwaari. Pamazuva iwayo vakaumba mhuru vakapira chibayiro kuchiumbwa chokunamata vachipemberera zvakaitwa namaoko avo. Mwari akavafuratirawo ndokuvati chi mukunamata gurusvusvu romudenga sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ravaporofita zvichinzi: “ ‘Makambopira kwandiri here mhuka dzakauraiwa kana zvibayiro kwamakore makumi mana amaiva murenje nhaimi vaIsiraeri? Handiti makatakura tendhe raMoreki nenyenyedzi yamwari Refani, zvifananidzo zvamakaumba kuti munamate? Ndichakudzingirai kunyika iri mberi kweBhabhironi.’ “Madzibaba edu akanga ane tendhe rechipupuriro murenje raiva rakaita sezvakanga zvataurwa naMwari akataura kuna Mosesi kuti ariite maererano namamiriro aro aakanga amboona. Madzibaba eduwo akarigamuchira akauya naro pamwechete naJoshuwa pavakatorera nyika vechirudzi vaifanodzingirwa madzibaba edu naMwari. Vaiva naro kusvikira pamazuva aDhavhidhi akafadza Mwari. Dhavhidhi akazokumbira kuti atsvakire Mwari waJakobho pokugara. Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba. Asi wokumusorosoro haagari mudzimba dzakaitwa namaoko sokutaura komuporofita achiti, “ ‘Denga chigaro changu choumambo, nyika iri iyo chitambarariko chetsoka dzangu. Imba yorudzii yaungandivakire; ndizvo zvinotaura Tenzi. Ndeipi nzvimbo yandingazororere? Harusi ruoko rwangu here rwakaita zvose izvi? Imi vanhu vomusoro wakaoma, vanhu vomwoyo isinei naMwari, venzeve dzisingadi kunzwa zvaMwari, vanhu vokurwisana naMweya. Zvaiita madzibaba enyu ndizvowo zvamunongoita.’ “Muporofita upi asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya vaya vakafanotaura zvokuuya komururami wakamupandukira mukaponda. Imi makagamuchira mutemo sokupiwa kwawakaitwa navatumwa asi hamuna kuuchengeta.” Pavakanzwa zvinhu izvi vakashatirwa kwazvo vakamuchenamira mazino. Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa mudenga akaona mbiri yaMwari, Jesu amire kurudyi rwaMwari akati, “Tarirai muone, ndiri kuona denga rakazaruka Mwanakomana womunhu akamira kurudyi rwaMwari.” Asi vakazhamba nezwi repamusoro vakadzivirira nzeve vakamuti momote, ndokumuburitsa kunze kweguta vakamutaka namabwe. Zvapupu zviya zvakaisa magemenzi azvo patsoka dzerimwe jaya rainzi Sauro. Pavaimutaka namatombo Sitefani akanamata achiti, “Tenzi Jesu gamuchirai mweya wangu.” Akapfugama akadaidzira nezwi guru achiti, “Tenzi, musavape mhosva yechitadzo ichi.” Paakapedza kutaura akabva avata hope dzokupedzisira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 7

Mabasa 7:33-60 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Ishe akati kwaari: Bvisa shaŋgu patsoka dzako, nokuti apo paunomira ivu dɀene. Ndakaʋona haŋgu kwaɀo kutambudzika kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndakanzwa kugomera kwaʋo, ndaɓuruka kuzoʋarwira; ɀino ʋuya ndikutume Egipita. Uyu Mosesi waʋakaramba, ʋaciti: Ndiani wakakuita muɓati nomutoŋgi? ndiye wakatumŋa naMŋari nomutumŋa wakaʋonekwa naye mugwenzi, kuti aʋe muɓati nomudzikinuri. Iye akaʋaɓuɗisa, akaita ɀinoshamisa neɀiratidzo munyika yeEgipita, napaGuŋgwa Dɀuku, nomurenje, makore anamakumi manna. Ndiyeye Mosesi wakati kuʋana ʋaIsraeri: Mŋari ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni. Ndiyeye wakaŋga ari kuʋuŋgano murenje, anomutumŋa wakataura naye mugomo reSinai, anamadziɓaɓa eɗu ʋo, wakagamucira mashoko mapenyu kuzotipa. Ndiye, waʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kumuterera iʋo madziɓaɓa eɗu; ʋakamuramba, ʋakadzokera Egipita nemŋoyo yaʋo. Ʋakati kunaAroni: Tiitire ʋamŋari, ʋaŋgatituŋgamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi ɀakaitika naye. Ɀino ʋakaita mhuru namazuʋa iwayo, ʋakaʋuya neciɓayiro kucifananidzo caʋo, ʋakafarira maɓasa amaʋoko aʋo. Ɀino Mŋari akaʋafuratira, akaʋarega kuti ʋashumire hondo yokuɗeŋga, seɀaɀakanyorwa mubuku yaʋaprofita, ɀicinzi: Ko makandiʋigira ɀipfuwo ɀakaɓayiwa neɀiɓayiro Makore makumi manna murenje, imi, imba yaʋaIsraeri here? Makatakura tabernakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamŋari wenyu Remfani, Ɀifananidzo ɀamakaita kuti muɀinamate; Ndicakutamisai mberi kweBabironi. Madziɓaɓa eɗu aiʋa netabernakeri yoʋucapupu murenje, yakaŋga yakaʋakwa seɀaakaraira iye, wakataura naMosesi, aciti aiite nomufananidzo waakaʋona. Yakati yagamucirwa namadziɓaɓa eɗu, ʋakapinda nayo naJoshua munyika yaʋahedeni, ʋakadziŋgwa naMŋari pamberi pamadziɓaɓa eɗu, kuȿikira pamazuʋa aDavidi; iye akanzwirwa nyasha pamberi paMŋari, akakumbira kuʋakira Mŋari waJakobo pokugara. Soromoni akamuʋakira imba. Asi Wokumsoro‐soro haagari mudzimba dzakaʋakwa namaʋoko, seɀaɀakarebga nomuprofita, aciti: Ƌeŋga ndico cigaro caŋgu coʋushe, Nenyika citsiko cetsoka dzaŋgu; Mucandiʋakira imba yakaɗiniko? Ndiɀo ɀinoreʋa Ishe; Kana nɀimbo yandiŋgazorora pairi ndeipi? Ko ruʋoko rwaŋgu haruna‐kuita iɀoɀi ɀose here? Imi ʋemitsipa mikukutu, musinakudziŋgiswa pamŋoyo nenzeʋe, munogara mucidziʋisa Mŋeya Mutȿene; samadziɓaɓa enyu, nemi ʋo. Ndoupiko pakati paʋaprofita, usina‐kutambudzwa namadziɓaɓa enyu? Ʋakaʋuraya aʋo ʋaiparidza kuʋuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuʋuraya ɀino. Iyemi, makapiwa murairo seɀawakarairwa naʋatumŋa, mukasauceŋgeta. Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakamugeɗa‐geɗera meno. Asi iye azere noMŋeya Mutȿene, akatarisisa kuɗeŋga, akaʋona kubginya kwaMŋari, naJesu amire kuruʋoko rworudyi rwaMŋari, akati: Tarirai, ndinoʋona ɗeŋga rakazarurwa, noMŋanakomana womunhu amire kuruʋoko rworudyi rwaMŋari. Ɀino ʋakaɗanidzira nenzwi guru, ʋakadziʋira nzeʋe dzaʋo, ʋakamhanyira kwaari ʋose pamŋe cete; ʋakamuɓuɗisira kunze kweguta, ndokumutaka namabge; ɀapupu ɀikaisa ŋguʋo dzaɀo patsoka dzejaya, rainzi Sauro. Ʋakataka Stefano, aciɗana aciti: Ishe Jesu, gamucirai mŋeya waŋgu. Akafugama, akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: Ishe, musaʋapa mhoȿa yeciʋi ici. Akati areʋa iɀoɀo, akaʋata rufu.