Ɀino Ishe akati kwaari: Bvisa shaŋgu patsoka dzako, nokuti apo paunomira ivu dɀene. Ndakaʋona haŋgu kwaɀo kutambudzika kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndakanzwa kugomera kwaʋo, ndaɓuruka kuzoʋarwira; ɀino ʋuya ndikutume Egipita. Uyu Mosesi waʋakaramba, ʋaciti: Ndiani wakakuita muɓati nomutoŋgi? ndiye wakatumŋa naMŋari nomutumŋa wakaʋonekwa naye mugwenzi, kuti aʋe muɓati nomudzikinuri. Iye akaʋaɓuɗisa, akaita ɀinoshamisa neɀiratidzo munyika yeEgipita, napaGuŋgwa Dɀuku, nomurenje, makore anamakumi manna. Ndiyeye Mosesi wakati kuʋana ʋaIsraeri: Mŋari ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni. Ndiyeye wakaŋga ari kuʋuŋgano murenje, anomutumŋa wakataura naye mugomo reSinai, anamadziɓaɓa eɗu ʋo, wakagamucira mashoko mapenyu kuzotipa. Ndiye, waʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kumuterera iʋo madziɓaɓa eɗu; ʋakamuramba, ʋakadzokera Egipita nemŋoyo yaʋo. Ʋakati kunaAroni: Tiitire ʋamŋari, ʋaŋgatituŋgamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi ɀakaitika naye. Ɀino ʋakaita mhuru namazuʋa iwayo, ʋakaʋuya neciɓayiro kucifananidzo caʋo, ʋakafarira maɓasa amaʋoko aʋo. Ɀino Mŋari akaʋafuratira, akaʋarega kuti ʋashumire hondo yokuɗeŋga, seɀaɀakanyorwa mubuku yaʋaprofita, ɀicinzi:
Ko makandiʋigira ɀipfuwo ɀakaɓayiwa neɀiɓayiro
Makore makumi manna murenje,
imi, imba yaʋaIsraeri here?
Makatakura tabernakeri yaMoroki,
Nenyeredzi yamŋari wenyu Remfani,
Ɀifananidzo ɀamakaita kuti muɀinamate;
Ndicakutamisai mberi kweBabironi.
Madziɓaɓa eɗu aiʋa netabernakeri yoʋucapupu murenje, yakaŋga yakaʋakwa seɀaakaraira iye, wakataura naMosesi, aciti aiite nomufananidzo waakaʋona. Yakati yagamucirwa namadziɓaɓa eɗu, ʋakapinda nayo naJoshua munyika yaʋahedeni, ʋakadziŋgwa naMŋari pamberi pamadziɓaɓa eɗu, kuȿikira pamazuʋa aDavidi; iye akanzwirwa nyasha pamberi paMŋari, akakumbira kuʋakira Mŋari waJakobo pokugara. Soromoni akamuʋakira imba. Asi Wokumsoro‐soro haagari mudzimba dzakaʋakwa namaʋoko, seɀaɀakarebga nomuprofita, aciti:
Ƌeŋga ndico cigaro caŋgu coʋushe,
Nenyika citsiko cetsoka dzaŋgu;
Mucandiʋakira imba yakaɗiniko?
Ndiɀo ɀinoreʋa Ishe;
Kana nɀimbo yandiŋgazorora pairi ndeipi?
Ko ruʋoko rwaŋgu haruna‐kuita iɀoɀi ɀose here?
Imi ʋemitsipa mikukutu, musinakudziŋgiswa pamŋoyo nenzeʋe, munogara mucidziʋisa Mŋeya Mutȿene; samadziɓaɓa enyu, nemi ʋo. Ndoupiko pakati paʋaprofita, usina‐kutambudzwa namadziɓaɓa enyu? Ʋakaʋuraya aʋo ʋaiparidza kuʋuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuʋuraya ɀino. Iyemi, makapiwa murairo seɀawakarairwa naʋatumŋa, mukasauceŋgeta.
Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakamugeɗa‐geɗera meno. Asi iye azere noMŋeya Mutȿene, akatarisisa kuɗeŋga, akaʋona kubginya kwaMŋari, naJesu amire kuruʋoko rworudyi rwaMŋari, akati: Tarirai, ndinoʋona ɗeŋga rakazarurwa, noMŋanakomana womunhu amire kuruʋoko rworudyi rwaMŋari. Ɀino ʋakaɗanidzira nenzwi guru, ʋakadziʋira nzeʋe dzaʋo, ʋakamhanyira kwaari ʋose pamŋe cete; ʋakamuɓuɗisira kunze kweguta, ndokumutaka namabge; ɀapupu ɀikaisa ŋguʋo dzaɀo patsoka dzejaya, rainzi Sauro. Ʋakataka Stefano, aciɗana aciti: Ishe Jesu, gamucirai mŋeya waŋgu. Akafugama, akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: Ishe, musaʋapa mhoȿa yeciʋi ici. Akati areʋa iɀoɀo, akaʋata rufu.