Nadhabhu mwanakomana waJerobhoamu akatanga kutonga kwaIsiraeri mugore rechipiri rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha. Akatonga kwaIsiraeri kwamakore maviri. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, akatevera mugwara rababa vake nechitadzo chavo chavakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo. Bhaasha mwanakomana waAhiya wedzinza rokwaIsakari, akamupandukira. Bhaasha akamuuraya kuGibhetoni guta revaFirisitia sezvo Nadhabhu nevokwaIsiraeri vakanga vakakomba Gibhetoni. Nokudaro Bhaasha akamuuraya mugore rechitatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha ndiye akazotonga panzvimbo pake. Paakangova mambo akabva auraya vose vemba yaJerobhoamu. Hapana nomumwechete wemba yaJerobhoamu waakasiya ari mupenyu kusvikira atoiparadza sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo womuranda wake Ahiya wokuShiro. Izvozvi izvi zvakauyiswa nezvitadzo zvakaitwa naJerobhoamu nokupinza kwaakaita vokwaIsiraeri muchitadzo uyewo pamusana pokushatirisa kwaakaita Tenzi, Mwari weIsiraeri. Inga dzimwe nyaya dzezvaNadhabhu nezvinhu zvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri. Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAsa naBhaasha mambo wokwaIsiraeri upenyu hwavo hwose. Mugore rechitatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha Bhaasha mwanakomana waAhiya akatanga kutonga vokwaIsiraeri ari kuTiriza. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mana. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi akatevera mugwara raJerobhoamu nechitadzo chake chaakapinza nacho vokwaIsiraeri mukutadza.
Verenga chikamu 1 Madzimambo 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Madzimambo 15:25-34
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo