Zvino Nadhabhi mwanakomana waJerobhoamu, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri negore rechipiri raAsa mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, nomuzvivi zvake zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. Ipapo Bhaasha mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira; Bhaasha akamuuraya paGibhetoni raiva ravaFirisitia; nokuti Nadhabhi navaIsiraeri vose vakanga vakomba Gibhetoni. Bhaasha akamuuraya negore retatu raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe. Zvino wakati achangogara ushe, akauraya vose veimba yaJerobhoamu; haana kusiyira Jerobhoamu mumwe wakanga achafema, kusvikira amuparadza, sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake Ahija muShiro; nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeri nazvo, nokuda kwokutambudza kwaakatambudza Jehovha Mwari waIsiraeri nako. Zvino mamwe mabasa aNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri? Kurwa kwakanga kuripo nguva dzose pakati paAsa naBhaasha mambo waIsiraeri. Negore rechitatu raAsa mambo waJudha, Bhaasha mwanakomana waAhija, wakatanga kubata ushe hwavaIsiraeri vose paTiriza, akabata makore makumi maviri namana. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
Verenga chikamu 1 Madzimambo 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Madzimambo 15:25-34
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo