1 Madzimambo 15:25-34
1 Madzimambo 15:25-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nadhabhi, mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri mugore rechipiri raAsa mambo weJudha, uye akatonga Israeri kwamakore maviri. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzababa vake nomuchivi chavo, icho chaakaita kuti Israeri iite. Bhaasha, mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, akamuuraya paGibhetoni guta romuFiristia, panguva yarakanga rakombwa naNadhabhi navaIsraeri vose. Bhaasha akauraya Nadhabhi mugore rechitatu raAsa, mambo weJudha, uye akamutevera paumambo. Achingoti tangei kutonga, akabva auraya mhuri yose yaJerobhoamu. Haana kusiyira Jerobhoamu mumwe chete achifema, asi akavaparadza vose sezvazvakarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake Ahija muShiro, nokuda kwezvivi zvakanga zvaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite, uye nokuti akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? Pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri, pakanga pane hondo panguva yose yokutonga kwavo. Mugore rechitatu raAsa mambo weJudha, Bhaasha, mwanakomana waAhija, akava mambo weIsraeri yose muTiza, uye akatonga kwamakore makumi maviri namana. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite.

1 Madzimambo 15:25-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Nadhabhi mwanakomana waJerobhoamu, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri negore rechipiri raAsa mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, nomuzvivi zvake zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. Ipapo Bhaasha mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira; Bhaasha akamuuraya paGibhetoni raiva ravaFirisitia; nokuti Nadhabhi navaIsiraeri vose vakanga vakomba Gibhetoni. Bhaasha akamuuraya negore retatu raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe. Zvino wakati achangogara ushe, akauraya vose veimba yaJerobhoamu; haana kusiyira Jerobhoamu mumwe wakanga achafema, kusvikira amuparadza, sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake Ahija muShiro; nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeri nazvo, nokuda kwokutambudza kwaakatambudza Jehovha Mwari waIsiraeri nako. Zvino mamwe mabasa aNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri? Kurwa kwakanga kuripo nguva dzose pakati paAsa naBhaasha mambo waIsiraeri. Negore rechitatu raAsa mambo waJudha, Bhaasha mwanakomana waAhija, wakatanga kubata ushe hwavaIsiraeri vose paTiriza, akabata makore makumi maviri namana. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
1 Madzimambo 15:25-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nadhabhu mwanakomana waJerobhoamu akatanga kutonga kwaIsiraeri mugore rechipiri rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha. Akatonga kwaIsiraeri kwamakore maviri. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, akatevera mugwara rababa vake nechitadzo chavo chavakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo. Bhaasha mwanakomana waAhiya wedzinza rokwaIsakari, akamupandukira. Bhaasha akamuuraya kuGibhetoni guta revaFirisitia sezvo Nadhabhu nevokwaIsiraeri vakanga vakakomba Gibhetoni. Nokudaro Bhaasha akamuuraya mugore rechitatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha ndiye akazotonga panzvimbo pake. Paakangova mambo akabva auraya vose vemba yaJerobhoamu. Hapana nomumwechete wemba yaJerobhoamu waakasiya ari mupenyu kusvikira atoiparadza sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo womuranda wake Ahiya wokuShiro. Izvozvi izvi zvakauyiswa nezvitadzo zvakaitwa naJerobhoamu nokupinza kwaakaita vokwaIsiraeri muchitadzo uyewo pamusana pokushatirisa kwaakaita Tenzi, Mwari weIsiraeri. Inga dzimwe nyaya dzezvaNadhabhu nezvinhu zvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri. Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAsa naBhaasha mambo wokwaIsiraeri upenyu hwavo hwose. Mugore rechitatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha Bhaasha mwanakomana waAhiya akatanga kutonga vokwaIsiraeri ari kuTiriza. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mana. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi akatevera mugwara raJerobhoamu nechitadzo chake chaakapinza nacho vokwaIsiraeri mukutadza.
1 Madzimambo 15:25-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Nadabi mŋanakomana waJeroboami, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri negore recipiri raAsa mambo waJuda, akaɓata ʋushe bgaIsraeri makore maʋiri. Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akafamba nenzira yaɓaɓa ʋake, nomuɀiʋi ɀake ɀaakatadzisa Israeri naɀo. Ipapo Baasha mŋanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira; Baasha akamuʋuraya paGibetoni raiʋa raʋaFiristia; nokuti Nadabi naʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋakomba Gibetoni. Baasha akamuʋuraya negore retatu raAsa mambo waJuda, akamuteʋera paʋushe. Ɀino wakati acaŋgogara ʋushe, akaʋuraya ʋose ʋeimba yaJeroboami; haana‐kusiyira Jeroboami mumŋe wakaŋga acafema, kuȿikira amuparadza, seɀaɀakarebga naJehova nomuromo womuranda wake Ahija muShiro; nokuɗa kweɀiʋi ɀaJeroboami, ɀaakaita iye, neɀaakatadzisa Israeri naɀo, nokuɗa kwokutambudza kwaakatambudza Jehova Mŋari waIsraeri nako. Ɀino mamŋe maɓasa aNadabi, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri? Kurwa kwakaŋga kuri’po ŋguʋa dzose pakati paAsa naBaasha mambo waIsraeri. Negore recitatu raAsa mambo waJuda, Baasha mŋanakomana waAhija, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaʋaIsraeri ʋose paTirza, akaɓata makore makumi maʋiri namanna. Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akafamba nenzira yaJeroboami, nomuɀiʋi ɀake, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
1 Madzimambo 15:25-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)