Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Madzimambo 15

15
Abijami mambo waJuda.
1Ɀino negore regumi namasere ramambo Jeroboami mŋanakomana waNebati, Abijami wakataŋga kuɓata ʋushe bgaJuda. 2Akaɓata ʋushe paJerusarema makore matatu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Maaka, mukunda waAbisharomi. 3Iye akafamba paɀiʋi ɀose ɀaɓaɓa ʋake, ɀaʋakamutaŋgira kuita; mŋoyo wake wakaŋga usina‐kururama kwaɀo kunaJehova Mŋari wake, somŋoyo waDavidi ɓaɓa ʋake. 4Kunyaŋge ɀakaɗaro nokuɗa kwaDavidi, Jehova Mŋari wake akamupa mŋenje paJerusarema, akamumutsira mŋanakomana wake shure kwake, asimbise Jerusarema; 5nokuti Davidi waiita ɀakarurama pamberi paJehova, haana‐kutsauka pacinhu cimŋe caakamuraira mazuʋa ose oʋupenyu bgake, asi pamhaka yaUria muHiti ɓedzi. 6Kurwa kwakaŋga kuri’po pakati paRehoboami naJeroboami mazuʋa ose oʋupenyu bgake. 7Ɀino mamŋe maɓasa aAbijami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda? Kurwa kwakaŋga kuri’po pakati paAbijami naJeroboami. 8Abijami akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga muguta raDavidi; Asa mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Asa mambo waJuda.
9Negore ramakumi maʋiri raJeroboami mambo waIsraeri, Asa wakataŋga kuɓata ʋushe paJuda. 10Akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi manna nerimŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Maaka mukunda waAbisharomi. 11Asa akaita ɀakarurama pamberi paJehova, seɀakaita Davidi ɓaɓa ʋake. 12Akabvisa ʋasodomi panyika, akabvisa ʋo ɀifananidzo ɀose ɀakaitwa namadziɓaɓa ake. 13Akabvisa ʋo Maaka mai ʋake paʋuhosi bgaʋo, nokuti ʋakaŋga ʋaitira matanda okunamata nawo cifananidzo cinonyaŋgadza; Asa akaparadza cifananidzo caʋo, akacipisa parukoʋa Kidroni. 14Asi matunhu akakwirira haana‐kubviswa; kunyaŋge ɀakaɗaro mŋoyo waAsa wakaŋga wakarurama kwaɀo kunaJehova mazuʋa ake ose. 15Akaisa mumba maJehova nhumbi dzakaŋga dzatsaurwa naɓaɓa ʋake, nenhumbi dzaakaŋga atsaura iye amene, sirveri, nendarama, nemidziyo. 16Ɀino kurwa kwakaŋga kuri’po pakati paAsa naBaasha mambo waIsraeri mazuʋa aʋo ose. 17Baasha mambo waIsraeri akakwira kundorwa naJuda, akaʋaka Rama, kuti arege kutendera munhu kuɓuɗa kana kupinda kunaAsa mambo waJuda. 18Ipapo Asa akatora sirveri yose nendarama ɀakaŋga ɀasara pafuma yeimba yaJehova, napafuma yeimba yamambo, akaɀipa mumaʋoko aʋaranda ʋake, mambo Asa akaɀitumira kunaBeni‐hadadi mŋanakomana waTabrimoni, mŋanakomana waHezioni, mambo weSiria wakaŋga agere Damasko, akati: 19Suŋgano iri’po pakati paŋgu nemi, pakati paɓaɓa ʋaŋgu naɓaɓa ʋenyu; tarirai, ndinokutumirai cipo cesirveri nendarama, endai muputse suŋgano yenyu naBaasha mambo waIsraeri, abve kwandiri. 20Beni‐hadadi akaterera mambo Asa, akatuma ʋakuru ʋehondo dzake kundorwa namaguta aIsraeri, akakunda Ijoni, neDani, neAberi‐beti‐maaka, neKineroti rose, nenyika yose yaNaftari. 21Ɀino Baasha wakati aciɀinzwa, akarega kuʋaka Rama, akandogara Tirza. 22Ipapo mambo Asa akakoka ʋaJuda ʋose, hakuna‐wakaɗarikwa, ʋakandotora mabge eRama, namatanda aro, ɀaakaŋga aciʋaka naɀo iye Baasha; mambo Asa akaʋaka naɀo Geba rokwaBenjamini neMizpa. 23Ɀino mamŋe maɓasa ose aAsa, nesimba rake rose, neɀose ɀaakaita, namaguta aakaʋaka, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadziɓaɓa aJuda? Asi paŋguʋa yokukwegura kwake wakaŋga acinzwa makumbo. 24Asa akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake paguta raDavidi ɓaɓa ʋake; Josafati mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe.
Nadabi naBaasha madzimambo aIsraeri.
25Ɀino Nadabi mŋanakomana waJeroboami, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri negore recipiri raAsa mambo waJuda, akaɓata ʋushe bgaIsraeri makore maʋiri. 26Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akafamba nenzira yaɓaɓa ʋake, nomuɀiʋi ɀake ɀaakatadzisa Israeri naɀo. 27Ipapo Baasha mŋanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira; Baasha akamuʋuraya paGibetoni raiʋa raʋaFiristia; nokuti Nadabi naʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋakomba Gibetoni. 28Baasha akamuʋuraya negore retatu raAsa mambo waJuda, akamuteʋera paʋushe. 29Ɀino wakati acaŋgogara ʋushe, akaʋuraya ʋose ʋeimba yaJeroboami; haana‐kusiyira Jeroboami mumŋe wakaŋga acafema, kuȿikira amuparadza, seɀaɀakarebga naJehova nomuromo womuranda wake Ahija muShiro; 30nokuɗa kweɀiʋi ɀaJeroboami, ɀaakaita iye, neɀaakatadzisa Israeri naɀo, nokuɗa kwokutambudza kwaakatambudza Jehova Mŋari waIsraeri nako. 31Ɀino mamŋe maɓasa aNadabi, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri? 32Kurwa kwakaŋga kuri’po ŋguʋa dzose pakati paAsa naBaasha mambo waIsraeri.
33Negore recitatu raAsa mambo waJuda, Baasha mŋanakomana waAhija, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaʋaIsraeri ʋose paTirza, akaɓata makore makumi maʋiri namanna. 34Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akafamba nenzira yaJeroboami, nomuɀiʋi ɀake, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.

Zvasarudzwa nguva ino

I Madzimambo 15: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda