I Madzimambo 16
16
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaJehu mŋanakomana waHanani, pamsoro paBaasha, riciti: 2Ndakakukudza ndikakubvisa paguruʋa, ndikakuita mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; asi wakafamba nenzira yaJeroboami, ukatadzisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ʋakamutsa shuŋgu dzaŋgu neɀiʋi ɀaʋo. 3Tarira, ndicabvisa Baasha neimba yake cose; ndicaita imba yako seɀandakaita imba yaJeroboami mŋanakomana waNebati. 4Aninani weimba yaBaasha unofira muguta, ucadyiwa nembga; aninani unofira kusaŋgo, ucadyiwa neshiri dzokuɗeŋga. 5Mamŋe maɓasa aBaasha, neɀaakaita, nesimba rake, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri? 6Baasha akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa paTirza, Era mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe. 7Shoko raJehova rikaʋuya ʋo nomuromo womuprofita Jehu mŋanakomana waHanani, pamsoro paBaasha, napamsoro peimba yake, nokuɗa kweɀakaipa ɀose ɀaakaita pamberi paJehova, akamutsa shuŋgu dzake pamsoro pamaɓasa amaʋoko ake, akaŋga akafanana neeimba yaJeroboami, ʋuye nokuti wakaŋga amuparadza.
Madzimambo Era, naZimri, naOmri.
8Negore ramakumi maʋiri namatanhatu raAsa mambo waJuda, Era mŋanakomana waBaasha, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paTirza, akaɓata makore maʋiri. 9Ipapo muranda wake Zimri, mukuru wehafu yeŋgoro dzake, akamumukira; ɀino iye wakaŋga ari paTirza, acinwa aciɓatwa mumba maArza, mutariri weimba yake paTirza. 10Zimri akapinda, akamuɓaya, akamuʋuraya negore ramakumi maʋiri namanomŋe raAsa mambo waJuda, akamuteʋera paʋushe. 11Ɀino pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, acaŋgogara pacigaro cake coʋushe, akaʋuraya ʋose ʋeimba yaBaasha; haana‐kumusiyira mŋana mumŋe womukomana, kana mumŋe wehama dzake, kana mumŋe weshamŋari dzake. 12Naiɀoɀo Zimri wakaparadza imba yose yaBaasha, seɀakaŋga ɀarebga naJehova, shoko iro raakataura pamsoro paBaasha nomuprofita Jehu, 13nokuɗa kweɀiʋi ɀose ɀaBaasha, neɀiʋi ɀaEra mŋanakomana wake, ɀaʋakaita, neɀaʋakatadzisa Israeri naɀo, ʋakamutsa shuŋgu dzaJehova Mŋari waIsraeri, neɀinhu ɀaʋo ɀisinamaturo. 14Mamŋe maɓasa aEra, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
15Negore ramakumi maʋiri namanomŋe raAsa mambo waJuda, Zimri akaɓata ʋushe paTirza mazuʋa manomŋe. Ɀino ʋanhu ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋaciɗa kurwa naʋaGibetoni raiʋa raʋaFiristia. 16Ɀino ʋanhu, ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋakanzwa, ɀicinzi: Zimri wamukira mambo akamuʋuraya; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose, ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋakagadza Omri, mukuru wehondo, aʋe mambo waIsraeri zuʋa iro. 17Ipapo Omri akabva paGibetoni, akaenda naʋaIsraeri ʋose kuzokomba Tirza. 18Ɀino Zimri wakati aciʋona kuti guta rakundwa, akapinda munhare paimba yamambo, akapisira imba yamambo pamsoro pake, akafa; 19nokuɗa kweɀiʋi ɀake pakuita kwake ɀakaipa pamberi paJehova, acifamba nenzira yaJeroboami, nomuɀiʋi ɀake ɀaakaita, acitadzisa Israeri naɀo. 20Mamŋe maɓasa aZimri, nokumukira kwake mambo, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
21Ɀino ʋanhu ʋaIsraeri ʋakaparadzana, ʋakaita mapoka maʋiri; ʋamŋe ʋakateʋera Tibni mŋanakomana waGinati, ʋaciɗa kumuita mambo waʋo, asi ʋamŋe ʋakateʋera Omri. 22Asi ʋanhu, ʋakateʋera Omri, ʋakakunda ʋanhu ʋakateʋera Tibni mŋanakomana waGinati; naiɀoɀo Tibni akafa, Omri akaɓata ʋushe. 23Negore ramakumi matatu nerimŋe raAsa mambo waJuda, Omri akataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri, akaɓata makore anegumi namaʋiri; akaɓata ʋushe paTirza makore matanhatu. 24Akateŋga gomo reSamaria kunaShemeri namatarenta maʋiri esirveri,#16:24 Mari ineŋge £800. akaʋaka pagomo, akatumidza zita reguta raakaʋaka Samaria, aciteʋedzera zita raShemeri, mŋene wegomo. 25Asi Omri wakaita ɀakaipa pamberi paJehova, akapfuʋura ʋose ʋakamutaŋgira pakuita ɀakaipa. 26Nokuti wakafamba nenzira yose yaJeroboami mŋanakomana waNebati, nomuɀiʋi ɀaakatadzisa Israeri naɀo, ʋakamutsa shuŋgu dzaJehova Mŋari waIsraeri neɀinhu ɀaʋo ɀakaŋga ɀisinamaturo. 27Mamŋe maɓasa aOmri, aakaita, nesimba rakaʋonekwa kwaari, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri? 28Naiɀoɀo Omri akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa paSamaria, Ahabi mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe.
Ahabi mambo waIsraeri.
29Negore ramakumi matatu namasere raAsa mambo waJuda, Ahabi mŋanakomana waOmri wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri; Ahabi mŋanakomana waOmri akaɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria makore anamakumi maʋiri namaʋiri. 30Ahabi mŋanakomana waOmri akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akakunda ʋose ʋakamutaŋgira. 31Cakaŋga ciri cinhu ciɗuku haco kwaari kufamba muɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, asi wakawana Izeberi mukunda waEti‐baari, mambo waʋaZidoni, akandoshumira Baari, akanamata kwaari. 32Akaʋakira Baari artari muimba yaBaari, yaakaʋaka paSamaria. 33Ahabi akaita ʋo matanda okunamata nawo, Ahabi akawedzera kumutsa shuŋgu dzaJehova Mŋari waIsraeri, kupfuʋura madzimambo ose akamutaŋgira. 34Pamazuʋa ake Hieri muBeteri akaʋaka Jeriko; akafirwa neɗaŋgwe rake, Abirami, ŋguʋa yaakaroŋga nheyo dzaro, ʋuye akafirwa nomŋanakomana wake worugotwe, Segubi, paŋguʋa yaakamisa masuʋo; seɀaɀakarebga naJehova nomuromo waJoshua mŋanakomana waNuni.
Zvasarudzwa nguva ino
I Madzimambo 16: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018