Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Madzimambo 17

17
Muprofita Eria unoraramiswa naJehova parukoʋa Keriti.
1Ɀino Eria muTishbi, waigara Gireadi, wakati kunaAhabi: NaJehova mupenyu, Mŋari waIsraeri, iye wandimire pamberi pake, hapaŋgaʋi neɗoʋa kana mvura makore ano, asi kana ndareʋa ini. 2Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, riciti: 3Cibva pano, uende kurutiʋi rwamabvazuʋa, undoʋanda parukoʋa Keriti, ruri pamberi paJoridani. 4Unofanira kunwa mvura yorukoʋa, ʋuye ndakaraira makuŋguʋu kukupa ɀokudya ipapo. 5Naiɀoɀo akaenda, akaita seɀaakaʋudzwa naJehova; nokuti wakandogara parukoʋa Keriti ruri pamberi paJoridani. 6Makuŋguʋu akamuʋigira ciŋgwa nenyama maŋgwanani, neciŋgwa nenyama maɗekwana; akanwa mvura yorukoʋa. 7Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura rukoʋa rukapxa, nokuti mvura yakaŋga isiŋgani panyika.
Muprofita Eria unotumŋa kucirikadzi paZarefati.
8Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, riciti: 9Simuka, uende Zarefati panyika yeZidoni, ugare’po; tarira, ndaraira cirikadzi igere’po, kuti ikupe ɀokudya. 10Naiɀoɀo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati aȿika pasuʋo reguta, akaʋona cirikadzi yakaŋga igere’po, iciʋuŋganidza ʋutsotso; akamuɗana, akati: Nditorere ʋo mvura shomanene mumukombe, ndinwe. 11Ɀino wakati acienda kuzoitora, akamuɗana, akati: Ƌondiʋigira ʋo cimeɗu ceciŋgwa muruʋoko rwako. 12Iye akati: NaJehova Mŋari wenyu mupenyu, handineciŋgwa, asi tsama imŋe yoʋupfu muɗende, namafuta mashomanene mucinu; tarirai, ndakaŋga ndiciʋuŋganidza ʋutsotso ʋuʋiri, ndiciti ndoenda ndiɀigadzirire ini nomŋanakomana waŋgu, tidye, tife heɗu. 13Ipapo Eria akati kwaari: Usatya hako, enda undoita seɀandataura; asi cimbondiitira ini ciŋgwa ciɗuku, undiʋigire ico, ugoɀiitira iwe nomŋanakomana wako pashure. 14Nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ʋupfu bguri muɗende habguŋgaperi, namafuta ari mucinu haaŋgashaikwi, kuȿikira pazuʋa Jehova raacanisa naro mvura panyika. 15Iye akaenda, akandoita seɀakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, ʋakadya mazuʋa mazhinji. 16Ʋupfu bgakaŋga bguri muɗende habguna‐kupera, namafuta akaŋga ari mucinu haana‐kushaikwa, seɀakaŋga ɀarebga naJehova nomuromo waEria. 17Ɀino pashure paiɀoɀo mŋanakomana womukadzi, mŋene weimba, akarwara; kurwara kwake kukanyanya kwaɀo, kuȿikira apererwa nomŋeya. 18Mukadzi akati kunaEria: Ndineiko nemi, imi munhu waMŋari? Makapinda mumba maŋgu kuti ɀiʋi ɀaŋgu ɀiraŋgarirwe, ʋuye kuti mŋanakomana waŋgu aʋurawe here? 19Akati kwaari: Ndipe mŋanakomana wako. Akamutora pacifuʋa comukadzi, akamutakurira kuimba yokumsoro, kwaaigara, akamuradzika panhoʋo dzake, 20akaɗanidzira kunaJehova, akati: Jehova Mŋari waŋgu, makaitireiko cirikadzi yandigere nayo cakaipa cakaɗai, ɀamaʋuraya mŋanakomana wake? 21Akatsiʋama pamsoro pomŋana katatu, akaɗanidzira kunaJehova, akati: Jehova Mŋari waŋgu, ndinokumbira, mŋeya womŋana uyu ŋgaudzokere ɀe kwaari. 22Jehova akanzwa inzwi raEria, mŋeya womŋana ukadzokera ɀe kwaari, akararama ɀe. 23Ipapo Eria akatora mŋana, akaɓuruka naye paimba yokumsoro, akamuisa mumba, akamupa mai ʋake. Eria akati: Tarira, mŋana wako mupenyu. 24Mukadzi akati kunaEria: Ɀino ndinoziʋa kuti muri munhu waMŋari, ʋuye kuti shoko raJehova, riri mumuromo menyu, nderaɀokwaɗi.

Zvasarudzwa nguva ino

I Madzimambo 17: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda