Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Madzimambo 18

18
Eria naʋaprofita ʋaBaari pagomo reKarmeri.
1Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, shoko raJehova rikaȿika kunaEria negore recitatu, riciti: Enda undoɀiratidza kunaAhabi; ndigotuma mvura panyika. 2Ipapo Eria akandoɀiratidza kunaAhabi. Ɀino nzara yakaŋga yanyanya kwaɀo paSamaria. 3Ahabi akaɗana Obadia, iye wakaŋga ari mutariri weimba yake. (Ɀino Obadia wakaŋga acitya Jehova kwaɀo; 4nokuti neŋguʋa iyo Izeberi yaakaparadza nayo ʋaprofita ʋaJehova, Obadia wakatora ʋaprofita ʋanezana, akaʋaʋanza makumi mashanu namakumi mashanu ɀe muɓako, akaʋapa ciŋgwa nemvura.) 5Ɀino Ahabi akati kunaObadia: Famba nenyika, kumatsime emvura, nokuhoʋa dzose; ɀimŋe tiŋgawana ɓundo, tiraramise mabiza namahesera, tirege kurashikirwa neɀipfuwo ɀose. 6Naiɀoɀo ʋakagoʋana nyika, kuti ʋafambe nayo; Ahabi akaenda ari oga kunorumŋe rutiʋi, Obadia akaenda ʋo ari oga kunorumŋe rutiʋi. 7Ɀino Obadia wakati ari panzira, Eria akasoŋgana naye; akamuziʋa, akawira pasi neciso cake, akati: Ndimi here, ishe waŋgu Eria? 8Iye akamupindura, akati: Ndini; enda undoʋudza ishe wako, uti: Tarirai, Eria uri pano. 9Iye akati: Ndatadzeiko, ɀamoɗa kuisa muranda wenyu mumaʋoko aAhabi, andiʋuraye? 10NaJehova Mŋari wenyu mupenyu, hapanorudzi kana ʋushe kwaasina‐kutuma iye ishe waŋgu kukutȿakai; kana ʋakati: Haapo pano, waipikisa ʋushe ubgo kana rudzi urwo, kuti haʋana‐kukuwanai. 11Ɀino moti: Enda undoʋudza ishe wako, uti: Eria uri pano. 12Ɀimŋe ndicaŋgobva kwamuri, Mŋeya waJehova ndokukuisai kwandisiŋgaziʋi; ɀino kana ndikandoʋudza Ahabi, akakushaiwai, ucandiʋuraya; asi ini muranda wenyu ndinotya Jehova kubva paʋuɗuku bgaŋgu. 13Ishe waŋgu haana‐kuʋudzwa here ɀandakaita paŋguʋa iya Izeberi yaakaʋuraya nayo ʋaprofita ʋaJehova, kuti ndakaʋanza ʋaprofita ʋaJehova ʋanezana, makumi mashanu namakumi mashanu muɓako, ndikaʋapa ɀiŋgwa nemvura? 14Ɀino moti: Cindoʋudza ishe wako, uti: Eria uri pano; iye ucandiʋuraya. 15Eria akati: NaJehova wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndicaɀiratidza kwaari nhasi ɀirokwaɀo. 16Naiɀoɀo Obadia akaenda kunaAhabi, akamuʋudza, Ahabi akandosoŋgana naEria. 17Ɀino Ahabi wakati aciʋona Eria, Ahabi akati kwaari: Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsraeri? 18Iye akati: Ini handina‐kutambudza Israeri; asi ndiwe neimba yaɓaɓa ʋako, nokuti makasiya mirairo yaJehova, mukateʋera ʋaBaari. 19Naiɀoɀo ɀino cituma ʋanhu uʋuŋganidze ʋaIsraeri ʋose pagomo reKarmeri, naʋaprofita ʋaBaari ʋanamazana manna namakumi mashanu, naʋaprofita ʋamatanda okunamata nawo ʋanamazana manna ʋanodya patafura yaIzeberi. 20Naiɀoɀo Ahabi akatuma ʋanhu kuʋana ʋaIsraeri ʋose, akaʋuŋganidza ʋaprofita pagomo reKarmeri. 21Ɀino Eria akasweɗera kuʋanhu ʋose, akati: Mucaramba mucifuŋga mifuŋgo miʋiri kuȿikira riniko? Kana Jehova ari Mŋari, mumuteʋere, kana ari Baari, mumuteʋere iye. Asi ʋanhu haʋana‐kupindura shoko rimŋe. 22Ipapo Eria akati kuʋanhu: Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuʋaprofita ʋaJehova, asi ʋaprofita ʋaBaari ʋanoȿika ʋarume ʋanamazana manna namakumi mashanu. 23Naiɀoɀo ŋgaʋatipe nzombe mbiri, iʋo ʋaɀitsaurire nzombe imŋe, ʋaiguranye, ʋaiise pamsoro pehuni, asi ʋarege kuisa mŋoto pasi payo; neni ʋo ndicagadzira imŋe nzombe, ndiciiisa pamsoro pehuni, asi ndisiŋgaisi mŋoto pasi payo. 24Ɀino imi muɗane zita ramŋari wenyu, ini ndiɗane ʋo zita raJehova; Mŋari unopindura nomŋoto, iye ŋgaaʋe Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋakati: Ɀarebga ɀakanaka. 25Ipapo Eria akati kuʋaprofita ʋaBaari: Ciɀitsaurirai nzombe imŋe, mutaŋge kuigadzira, nokuti muri ʋazhinji; muɗane zita ramŋari wenyu, asi murege kuisa mŋoto pasi payo. 26Iʋo ʋakatora nzombe yaʋakaŋga ʋapiwa, ʋakaigadzira, ʋakaɗana zita raBaari kubva maŋgwanani kuȿikira masikati makuru, ʋaciti: Baari, tinzwei! Asi kwakaŋga kusinenzwi kana unopindura. Ʋakapoteredza artari yakaŋga yaʋakwa ʋacipembera. 27Ɀino paŋguʋa yamasikati makuru Eria akaʋaseka, akati: Ƌanidzirai kwaɀo; nokuti mŋari, ɀimŋe uri pakufuŋga, ɀimŋe waenda kumŋe, ɀimŋe wafamba rwendo, kana ɀimŋe uʋete hake, unofanira kumutswa. 28Ipapo ʋakaɗanidzira kwaɀo, ʋakaɀiceka netsika dzaʋo neminondo namapfumo, kuȿikira ropa ricidzutuka kwaʋari. 29Masikati makuru akati apfuʋura, ʋakaprofita kuȿikira paŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana; asi kwakaŋga kusinenzwi kana unopindura, kana wakaŋga aciterera. 30Ipapo Eria akati kuʋanhu ʋose: Sweɗerai kwandiri; ʋanhu ʋose ʋakasweɗera kwaari. Ɀino wakagadzira artari yaJehova yakaŋga yaputswa. 31Eria akatora mabge anegumi namaʋiri akaenzana namarudzi aʋana ʋaJakobo, iye, wakaŋga aʋudzwa naJehova, ɀicinzi: Zita rako ricanzi Israeri. 32Akaʋaka artari namabge iwayo nezita raJehova, akacera goroŋga rakakomba artari rakaŋga rakaenzana napaŋgadɀarwa ɀiyero ɀiʋiri#18:32 Magaroni aneŋge matanhatu. ɀeɀiyo. 33Akaroŋga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamsoro pehuni, akati: Cizadzai ɀiroŋgo ɀinna nemvura, muiɗire pamsoro pecipiriso cinopiswa, napamsoro pehuni. 34Akati: Itai iɀoɀo rwecipiri, ʋakaɀiita rwecipiri. Akati: Itai iɀoɀo rwecitatu; ʋakaɀiita rwecitatu. 35Mvura ikayerera, ikapoteredza artari; akazadza negoroŋga ʋo nemvura. 36Neŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana, muprofita Eria akasweɗera, akati: Imi Jehova, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaIsraeri, ŋgakuzikanwe nhasi kuti ndimi Mŋari pakati paIsraeri, ʋuye kuti ini ndiri muranda wenyu, ʋuye kuti ndakaita iɀi ɀose ndarairwa nemi. 37Ndinzwei Jehova, ndinzwei, kuti ʋanhu aʋa ʋaziʋe kuti imi Jehova ndimi Mŋari, ʋuye kuti ndimi makadzosa ɀe mŋoyo yaʋo. 38Ipapo mŋoto waJehova wakaɓuruka, ukapedza cipiriso cinopiswa, nehuni, namabge, neguruʋa, ukananɀa mvura yakaŋga iri mugoroŋga. 39Ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakati: Jehova ndiye Mŋari, Jehova ndiye Mŋari! 40Eria akati kwaʋari: Ƃatai ʋaprofita ʋaBaari, ʋarege kupukunyuka kunyaŋge nomumŋe waʋo. Ʋakaʋaɓata. Eria akaɓuruka naʋo kurukoʋa Kishoni, akaʋaʋurayira’po. 41Eria akati kunaAhabi: Ciroŋgedzai, mudye, munwe, nokuti kunokuwuŋga kwemvura zhinji. 42Naiɀoɀo Ahabi akaroŋgedza kundodya nokunwa. Eria akakwira pamsoro pegomo reKarmeri, akagwaɗamira pasi, akaisa ciso cake pakati pamabvi ake; 43akati kumuranda wake: Cikwira ɀino, utarire kurutiʋi rweguŋgwa. Akakwira akatarira, akati: Hakunecinhu. Akati: Enda ɀe, kanomŋe. 44Ɀino paŋguʋa yecinomŋe akati: Tarirai, kunegore ɗuku, rinokwira ricibva muguŋgwa, rakafanana necanza comunhu. Akati: Enda, undoti kunaAhabi: Suŋgai ŋgoro yenyu, muɓuruke, kuti murege kudziʋirirwa nemvura. 45Ɀino ŋguʋa ɗuku yakati yapfuʋura, ɗeŋga rikaȿiɓa namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya. Ahabi akaenda neŋgoro, akaȿika Jezreeri. 46Ruʋoko rwaJehova rukasimbisa Eria; akaɀisuŋga ciʋuno cake, akamhanya pamberi paAhabi kuȿikira pasuʋo reJezreeri.

Zvasarudzwa nguva ino

I Madzimambo 18: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda